Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 11:19-30

Mabasa 11:19-30 SCLB

Zvino vaya vakapararira pamusana pokutambudzwa kwakamuka nokuda kwaSitefani, vakaenda zvokutonosvika kuFonikia neSaipurasi nokuAndiyoku vasingaparidzi shoko kuna ani zvake kusiya kuvaJudha. Asi pane vamwe vavo, varume vokuSaipurasi nokuSairini pavakaenda kuAndiyoku vakataurawo kuvaGiriki vachivaparidza Tenzi Jesu. Ruoko rune simba rwaTenzi rwakanga rwuinavo uye vanhu vazhinji vakadavira vakatendeukira kuna Tenzi. Zvinhu izvi zvakasvika munzeve dzesangano raiva muJerusaremu vakatumira Bhanabhasi kuAndiyoku. Paakasvika akaona nyasha dzaMwari akafara. Akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka vakati kwati kwati nomwoyo wose kuna Tenzi. Bhanabhasi uyu aiva munhu akanaka azere naMweya nechitendero. Chikwata chikuru chakawedzerwa kuna Tenzi. Naizvozvo Bhanabhasi akaenda kuTaso kundotsvaka Sauro. Paakamuwana akauya naye kuAndiyoku. Kwegore rose vaisangana nesangano vachidzidzisa boka guru ravanhu. MuAndiyoku ndimo makatangira vadzidzi kuidaidzwa kunzi vakristu. Pamazuva iwayo vaporofita vakabva kuJerusaremu vachienda kuAndiyoku. Mumwe wavo anonzi Agabhusi akasimuka akafanotaura aina Mweya kuti kuchava nenzara huru pasi pose. Izvi zvakaitikawo pamazuva aKiraudhiosi. Vadzidzi vakatenderana kutumira rubatsiro kune vehama vaigara kuJudhea mumwe nomumwe achipa sokugona kwake. Vakaita saizvozvo. Vakazvitumira kuvakuru vakuru nomumaoko aBhanabhasi naSauro.

Verenga chikamu Mabasa 11