Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paSitefano, vakaenda kusvikira paFonikia, neSaipurasi, neAndioki, vasingatauri shoko kumunhu, asi kuna vaJudha bedzi. Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veSaipurasi neKurene; ivo vakati vasvika Andioki, vakataura kuvaGirikiwo, vachiparidza Ishe Jesu. Ruoko rwaIshe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendeukira kuna Ishe. Mashoko avo akanzwika nekereke muJerusaremu, vakatuma Bhanabhasi kuti aende Andioki. Iye akati asvika, akaona nyasha dzaMwari, akafara; akarayira vose kuti vanamatire Ishe nomwoyo wakasimba; nokuti waiva murume akanaka, azere naMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kuna Ishe. Iye akaenda Taso achindotsvaka Sauro. Zvino akati amuwana, akauya naye Andioki. Ipapo vakaungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; pa Andioki vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu. Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusaremu, vakaenda Andioki. Mumwe wavo ainzi Agabho, akasimuka, ndokuvazivisa naMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKiraudhiyo. Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea. Vakaita kudaro, vakazvitumira naBhanabhasi naSauro kuvakuru.
Verenga chikamu Mabasa 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 11:19-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo