Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 11

11
Pita anotsanangura kuti Mwari haana rusaruro pane zvoruponeso rwavanhu
1Vapositori navehama vaiva kuJudhea vakanzwa kuti vechirudzi vakanga vagamuchirawo Shoko raMwari. 2Naizvozvo Pita paakakwira kuJerusaremu vechikwata chevokudzingiswa vakamutsoropodza 3vachiti, “Makaenderei kuvanhu vasina kudzingiswa muchidya navo?” 4Pita akatanga kutsanangura achinyatsovarondedzera zvakaitika, achiti:
5“Ndaiva muguta reJopa ndichinamata; ndiri mumweya ndakaona, chiratidzo chechimwe chinhu chaiburuka chaiita sejira guru richidzikiswa richibva kudenga richiita serakabatwa namakona aro mana. Rakaburuka richiuya kwandiri. 6Pandakanyatsoritarisisa ndakaona mhuka nezvikara zvinodya nyama nezvinozvova napasi neshiri dzedenga. 7Ndakanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Pita simuka uuraye udye.’ 8Asi ndakati, ‘Kwete, Tenzi, handisati ndambodya, zvisingakodzeri kana zvakan'ora.’ 9Asi izwi rakapindura kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.’ 10Izvi zvakaitika katatu. Zvose zvikabva zvasimudzwa zvichiendeswa kudenga. 11Panguva yakareyo varume vatatu vakasvika pamba pataigara vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuSezaria. 12Mweya akandiudza kuti ndiende navo pasina zvorusaruro. Vehama vatanhatu ava vakaendawo neni. Takapinda mumba momurume iyeyo. 13Akatirondedzera kuona kwaakaita mutumwa amire mumba make achiti, ‘Tuma vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. 14Iye achakutaurira shoko richakuponesa iwe nemhuri yako yose.’ 15Pandakatangisa kutaura Mweya Mutsvene akaburukira pavari sezvakangoitikawo patiri pakutanga paya. 16Ndakayeuka shoko raTenzi paakati, ‘Johani aiombeka nemvura asi imi muchaombekwa naMweya Mutsvene.’ 17Zvino kana Mwari akapa chipo chimwechetecho chaakapa kwatiri patakatenda muzita raTenzi Jesu Kristu. Ko ndiri aniwo zvangu ndaigona kumirisana naMwari.”
18Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.”
Kutangisa kweSangano kuAndiyoku
19Zvino vaya vakapararira pamusana pokutambudzwa kwakamuka nokuda kwaSitefani, vakaenda zvokutonosvika kuFonikia neSaipurasi nokuAndiyoku vasingaparidzi shoko kuna ani zvake kusiya kuvaJudha. 20Asi pane vamwe vavo, varume vokuSaipurasi nokuSairini pavakaenda kuAndiyoku vakataurawo kuvaGiriki vachivaparidza Tenzi Jesu. 21Ruoko rune simba rwaTenzi rwakanga rwuinavo uye vanhu vazhinji vakadavira vakatendeukira kuna Tenzi. 22Zvinhu izvi zvakasvika munzeve dzesangano raiva muJerusaremu vakatumira Bhanabhasi kuAndiyoku. 23Paakasvika akaona nyasha dzaMwari akafara. Akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka vakati kwati kwati nomwoyo wose kuna Tenzi. 24Bhanabhasi uyu aiva munhu akanaka azere naMweya nechitendero. Chikwata chikuru chakawedzerwa kuna Tenzi. 25Naizvozvo Bhanabhasi akaenda kuTaso kundotsvaka Sauro. 26Paakamuwana akauya naye kuAndiyoku. Kwegore rose vaisangana nesangano vachidzidzisa boka guru ravanhu. MuAndiyoku ndimo makatangira vadzidzi kuidaidzwa kunzi vakristu.
27Pamazuva iwayo vaporofita vakabva kuJerusaremu vachienda kuAndiyoku. 28Mumwe wavo anonzi Agabhusi akasimuka akafanotaura aina Mweya kuti kuchava nenzara huru pasi pose. Izvi zvakaitikawo pamazuva aKiraudhiosi. 29Vadzidzi vakatenderana kutumira rubatsiro kune vehama vaigara kuJudhea mumwe nomumwe achipa sokugona kwake. 30Vakaita saizvozvo. Vakazvitumira kuvakuru vakuru nomumaoko aBhanabhasi naSauro.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 11: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda