Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 1

1
Dhavhidhi anonzwa zvorufu rwaSauro
1Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi adzoka kwaakanga andorakatisa kuuraya vaAmareki Dhavhidhi akambogara mazuva maviri muZikiragi. 2Pazuva rechitatu racho, ndiye vhu mumwe murume achibva kumatendhe okwaSauro, aine hembe dzakabvaruka, nehuruva mumusoro. Paakasvika kuna Dhavhidhi, akati pasi gwadagwa achimuremekedza.
3Dhavhidhi akati kwaari, “Unobva kupi?” Iye akamupindudra achiti, “Ndapunyuka kumatendhe eIsiraeri.”
4Dhavhidhi akati kwaari, “Tipire tinzwe, zvafamba sei?” Iye akapindura achiti, “Vanhu vatiza kuhondo. Uye vamwe vavo vakawanda kwazvo varakatiswa, vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.”
5Dhavhidhi ndokuti kujaya iri rokuuya neshoko kwaari, “Ko wazviziva sei kuti Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa?”
6Jaya rakamuudza rikati kwaari, “Ndakangosvikawo zvangu nokugomo reGiribhoa, onei, Sauro aripo akazendamira pfumo rake ukuwo ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo vachiti tsvome tsvome naye.” 7Paakati cheu kutarisa shure, akandiona ndokubva andidaidza, ini ndokuti, “Ndokuno changamire.” 8Iye ndokunditi, “Ndiwe aniko iwe?”
Ini ndikati, “Ndiri muAmareki.” 9Iye akanditi, “Uya umire pandiri pano uchindipedzisa zvako nokuti ndatambura ini asi mweya wangu warambirira mandiri. 10Saizvozvowo ndakandomira paakanga ari ndokubva ndamupedzisa nokuti ndakanga ndanyatsoona kuti haamborarama namawiro aakanga akaita pasi kudaro. Ndakatora ngundu yakanga iri mumusoro make netsambo yaiva muruoko rwake. Ndauya nazvo kwamuri changamire.”
11Dhavhidhi akati ndu hembe dzake akadzibvarura neshungu, ndozvakaitawo vamwe varume vose vaaiva navo. 12Vakachema Sauro nomwanakomana wake Jonatani navanhu vaTenzi nemhuri yose yeIsiraeri nokuti vakanga varakatiswa kuuraiwa namapakatwa. Vakahwihwidza kuchema vakatsanya kusvikira manheru.
13Dhavhidhi akati kujaya riya rokumutaurira, “Ko iwe unobva kupi?” Iye akati, “Ini ndiri mwana womumwe muuyi, muAmareki.”
14Dhavhidhi ndokuti kwaari, “Chakakupa kurega kutya kusimudzira ruoko rwako kuparadza muzodzwa waTenzi chii?” 15Dhavhidhi akabva adaidza rimwe jaya akati, “Naye munhu uyu, mupfuudze.” 16Akabva amuponda akafa. Dhavhidhi akati kwaari, “Rufu rwako ndorwokuzviparira nokuti muromo wako wawataura wokutoti zvako, ‘Ndakauraya muzodzwa waTenzi’ wakuparira.”
Kuchema kwakaita Dhavhidhi vanaSauro naJonatani
17Dhavhidhi akagurukuta kuchema Sauro nomwana wake Jonatani achiimba rwiyo rwengondo. 18Akati rudzidziswe vedzinza rokwaJudha. Zvino ngondo yacho ino iyi yakanyorwa muBhuku raJashari, rinoti:
19“Vanodadisa Isiraeri vacho vachiti
kata kata kufa,
vachiti kata kata pamitunhu yenyu yakatunhumara.
Zvauya sei chokwadi,
magamba kuti rakata kudai?
20Dai mangorega zvenyu kuzvitaura kuGati,
kunyange zvako kuzviparidzira muAshikeroni.
Vanasikana vavaFirisitia vangadaro vakapembera kufara.
Vanasikana vavanhu vasina kudzingiswa vakazvitutumadza.
21“Imi makomo eGiribhoa
pamusoro penyu, dova ngarirege kudonherapo,
kana mvura ngairege kunayapo,
parege kuva neminda inopa mbeswa zhinji;
nokuti nhoo dzamagamba dzakafumurirwa ipapo.
Nhoo yaSauro, zvokuzorwa mafuta zvakapera.
22Museve waJonatani wakanga usingadzoke,
usina ropa rewainge wauraya.
Bakatwa raSauro haraidzoka risina
mafuta amagamba.
23“Sauro naJonatani kuvanhu, vaiva vepamoyo chaivo.
Naivowo pachavo vari vanhu vakanaka.
Upenyu hwavo hwose kusvikira parufu,
havana kumbopararana.
Pakumhanya gondo raisara pasi,
pasimba dziri mvumba chaidzo kupfuura shumba.
24“Imi vanasikana veIsiraeri, chemai Sauro
ndiye aikupfekedzai hanzu tsvuku dzamandiriri,
aiisa zvishongo zvendarama pazvipfeko zvenyu.
25“Zvauya sei chokwadi,
magamba kuti rakata mukati mehondo kudai?
Jonatani chaiye achiti rashu,
kufa pamitunhu yenyu yakatunhumara.
26“Zvako zvandishungurudza mwoyo,
mukoma wangu Jonatani kwandiri,
wanga uri wapamwoyo chaiye.
Kundida kwako kwanga kusingatauriki,
kwaikunda rudo rwavanhukadzi.
27“Zvauya sei chokwadi,
magamba kuti rakata kudai,
zvombo zvenyu zvehondo kuparara kudai?”

Zvasarudzwa nguva ino

2 Samueri 1: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda