2 Samueri 2
2
I: DHAVHIDHI
DHAVHIDHI ANOGADZWA UMAMBO HWOKWAJUDHA
1Mushure maizvozvi Dhavhidhi akandobvunza kuna Tenzi kuti “Ndoenda here kune rimwe ramaguta aJudha?” Tenzi ndokumuti, “Enda zvako.” Dhavhidhi ndokuti, “Ndoenda kune ripi?” Tenzi akati, “kuHebhuroni.” 2Saizvozvo Dhavhidhi akakwidza kuendako pamwechetewo namadzimai ake maviri, vana Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi iya yaNabhari wokuKarimeri. 3Dhavhidhi akaendako navanhu vake vaaiva navo munhu wose aine mhuri yake. Vakagara mumaguta okuHebhuroni. 4Varume vokwaJudha vakauyako vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaJudha.
Pavakataurira Dhavhidhi kuti, “Varume vokuJabheshigireadhi ndivo vakaviga Sauro,” 5Dhavhidhi akatuma nhumwa kuvarume ava vokuJabheshigireadhi akati kwavari, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti makaitira Sauro, changamire wenyu mwoyo wakanaka nokumuviga kwamakaita. 6Tenzi ngaachikuitirai mwoyochena avewo zvake akatendeseka. Iniwo ndichakuitirai zvakanaka pamusana pokuti makaita izvozvi. 7Saka zvino chishingai mwoyo, muve vanhu vane chivindi, changamire wenyu, Sauro zvaakafa uyewo vokwaJudha zvavakandigadza umambo hwokwawo kuti ndivatonge.”
Kugadzwa kwaIshibhosheti umambo hokwaIsiraeri
8Izvozvo Abhuneru mwanakomana waNeru mutungamiriri wehondo yaSauro akanga atora Ishibhosheti mwanakomana waSauro akaenda naye kuMahanaimu. 9Akamuita mambo wokuGireadhi newevaAsheru nokuJezirieri nokwaEfuraimu nokwaBhenjamini neIsiraeri yose zvayo. 10Ishibhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakumi mana amakore paakatangisa kutonga Isiraeri. Akatonga kwamakore maviri. Asi vokwaJudha vainge vachitevera Dhavhidhi. 11Dhavhidhi aiva mambo wokwaJudha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu kuHebhuroni.
Kurwisana kwakaita vokwaIsiraeri novokwaJudha
12Abhuneru mwanakomana waNeru namakurukuta aIshibhosheti mwanakomana waSauro vakabva kuMahanaimu vakaenda kuGibheoni. 13Joabhu mwanakomana waZeruya namakurukuta okwaDhavhidhi vakabuda vakandosangana navo kudziva rokuGibheoni. Vakagara pasi vakati vamwe kumhiri uku vamwe kumhiri uku padziva ipapo. 14Abhuneru akati kuna Joabhu, “Regai mamwe majaya edu amirisane ativaraidze.” Joabhu akati, “Ngavamirisane zvavo.”
15Ivo vakandomirisana vakati uku gumi navaviri vokwaBhenjamini naIshibhosheti mwanakomana waSauro; uku gumi navaviri vokumakurukota aDhavhidhi. 16Munhu oga oga akati dzvi musoro womumwe waakanga akamirisana naye, akati nebakatwa zwi parutivi pewaakanga akamirisana naye vachibva vati pamwechete pasi rikiti. Naizvozvo nzvimbo iyi yakatumidzwa zita rokuti “Guraramapakatwa.”#2:16 MuchiHebheru nzvimbo iyi inonzi Herikatihazurimu. Iri kuGibheoni.
17Zuva irori kwakarwiwa hondo inotyisa. Abhuneru navarume vokwaIsiraeri vakakurirwa nevokumakurukota okwaDhavhidhi. 18Ipapo paiva navanakomana vaZeruya vatatu vaiti: Joabhu naAbhishai naAsaheri. Zvino Asaheri uyu aiva mhene chaiyo pakumhanya. 19Asaheri akadzingirirana naAbhuneru akaramba akati naye tande asina kwaaitsaukira, achitevera Abhuneru chete. 20Abhuneru akacheuka ndokuti, “Ndiwe here Asaheri?” Iye akati, “Ndini.”
21Abhuneri akamuti, “Tsaukira zvako kurudyi kana kuruboshwe uwane rimwe jaya raungabate uripambe.” Asi Asaheri akaramba angoti tsvome tsvome naye chete. 22Abhuneru ndokutizve kuna Asaheri, “Rega zvokundidzingira izvi. Unodirei kuti ndikupatitsire pasi? Ndingazotarisana sei nomukoma wako Joabhu?” 23Asi Asaheri akaramba angoti naye naye chete. Naizvozvo Abhuneru akabva amuti neshure dhuvhu nomusisi zvokuti pfumo rakati bherevere ndokubuda nokumusana, achibva ati pasi mbonye mbonye, ndiye pakarepo fatata kufa. Vose vakanga vati unga unga paakawira vakamira vakati kanha kutarira.
24Asi Joabhu naAbhishai vakaramba vachingodzingirirana naAbhuneru. Kuzoti zuva rodoka vakasvika kuchikomo cheAma chokunge tava kuda kusvika kuGia munzira yokurenje reGibheoni. 25VokwaBhenjamini vakaunganidzana kuna Abhuneru vakaita chikwata chimwechete, vakandomira pamusoro pechikomo. 26Abhuneru akadaidzira kuna Joabhu achiti, “Ko iro bakatwa rokuuraya vanhu risisakandwe pasi, ndohwava upenyu here? Hauzive here kuti magumo acho anorwadza kwazvo? Kusvikira rini chaizvo usati wati vanhu vokwako vadzoke varege kuronda hama dzavo?”
27Joabhu akati, “NaMwari chaiye mupenyu, dai wanga usina kutaura saizvozvo chokwadi varume ava vaitosvikira mangwana mangwanani vachingoronda chete hama dzavo idzodzo.” 28Nokudaro Joabhu akaridza hwamanda vanhu vose vakamira vakabva varega kuronda vokwaIsiraeri ndokubva varega kuramba vachirwa.
29Abhuneru navanhu vake vakararirofamba usiku ihwohwo nomuArabha vakayambuka Jorodhani vakafamba mangwanani ose vakasvika kuMahanaimu.
30Joabhu akadzoka mukuronda Abhuneru. Paakaunganidza vanhu vose pamwechete pakaonekwa kuti kuvanhu vokwaDhavhidhi, varume gumi navapfumbamwe pakanga pasina tisingaverengere Asaheri. 31Asi ivo vokumakurukota okwaDhavhidhi vakanga vauraya vanhu vokwaBhenjamini mazana matatu avarume ana varume makumi matanhatu evokwaAbhuneru. 32Vakatora Asaheri vakamuviga muguva rababa vake kuBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakararirofamba usiku hwose vakaedzerwa vava kuHebhuroni.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.