Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku rechipiri raSamueri ibhuku rinotevera bhuku rokutanga raSamueri. Ibhuku rinotaura zvikuru nezvoupenyu hwamambo Dhavhidhi. Akatanga nokuva mambo wenyika yokwaJudha. Ndokuzotonga nyika yose yokwaJudha neyokwaIsiraeri.
Mambo Dhavhidhi aiva munhu ane chitendero chakadzama chaizvo asi aivawo munhu wenyama. Aitomboitawo utsinye kana ainge ane chaada (11). Asi paainge aratidzwa navaporofita kuti zvaakaita zvakaipa, kunyange zvake aiva mambo aizvityora nokuzvirereka achibvuma mhosva yake nechirango chayo (12:1–14). Pamusana pokutya kwake Mwari saizvozvi, kunyange akanga asina zvake ungwaru sohomwana wake Soromoni, ndiye mambo anodiwa zvikuru neIsiraeri yose kusvikira pari nhasi. Kunyange Mwari aida kuti madzimambo akazotevera aite saDhavhidhi.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rechipiri raSamueri
Kukurira kwaDhavhidhi (1:1—10:19)
a) Kutonga Judha kwaDhavhidhi (1:1—4:12)
b) Kutonga kwaDhavhidhi muJerusaremu (5:1–25)
c) Kubudirira kwaDhavhidhi mune zvechitendero (6:1—7:29)
d) Kukurira kwaDhavhidhi mune zvehondo (8:1—10:19)
Kutadza kwaDhavhidhi (11:1–26)
Nhamo dzaDhavhidhi (12:1—24:25)
a) Nhamo dzomumba maDhavhidhi (12:1—13:36)
b) Nhamo dzoumambo hwaDhavhidhi (13:37—20:26)
c) Makore okupedzisira (21:1—24:25)

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda