Mutungamiriri wehondo yamambo weSiria ainzi Naamani aiva munhu airemekedzwa zvikuru nachangamire vake, ari munhu wavo wapamwoyo nokuti naiyeyu uyu Tenzi akaita kuti vakurire vaSiria muhondo. Aiva murume uno, nyanzvi chaiyo yokurwa, asi akanga aine maperembudzi. VaSiria mune kumwe kupamba nehondo kwavaiita vakanga vatapa kamwe kasikana kokunyika yokwaIsiraeri kakava muranda womukadzi waNaamani. Musikana uyu akati kuna tenzi wake, “Dai kuri kuti changamire vamboonawo mumwe muporofita ari kuSamaria. Aivarapa chirwere chavo ichi chemaperembudzi.” Nokudaro Naamani akaendamo akasvitsa izvi kuna changamire wake achiti, “Izvozvo ndozvandaudzwa nomusikana akabva kunyika yokwaIsiraeri.” Mambo weSiria akabva ati, “Chitoendai zvino, ndichatumirawo mambo wokwaIsiraeri rugwaro.” Saizvozvo akaenda akatakura zviuru makumi matatu zvesirivha, nendarama zviuru zvitanhatu nehanzu gumi dzamachira, akanakisisa kwazvo. Akaenda norugwaro rwacho kuna mambo wokwaIsiraeri rwaiti: “Rugwaro urwu rwasvika kwamuri nderwokukuzivisai kuti ndatumirako gurukota rangu Naamani kuti mumurapewo maperembudzi ake.” Mambo wokwaIsiraeri paakaverenga rugwaro irworwu akabvarura hanzu dzake akati, “Ndiri Mwari here anouraya nokupawo upenyu wokuti muchinda uyu anganditumire shoko rokuti ini ndirape munhu maperembudzi ake? Maonawoka kuti uku kutsvaka kupopotedzana neni chete.” Asi pakanzwa munhu waMwari Erisha kuti mambo wokwaIsiraeri akanga abvarura hanzu dzake akatumira mambo shoko rokuti, “Madarireiko kubvarura hanzu dzenyu? Regai zvenyu auye kwandiri kuno iye zvino azoziva kuti muIsiraeri mune muporofita.” Nokudaro Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzehondo akasvikomira pamusuo pamba paErisha. Erisha akamutumira nhume kundoti, “Enda undoshamba kanomwe kuna Jorodhani muviri wako uchapora woita sezvawaimbova uchibvawo wachenurwa.” Asi Naamani akashatirwa ndokubva apomoka kuenda oti, “Chionaika, ndanga ndichiti achatoita zvokunyatsobuda panze pandiri, omira pakadarowo apo, odaidza zita Tenzi, Mwari wake achivheyesa maoko ake pamusoro penzvimbo iyoyo obva arapa maperembudzi acho! Ko, Abhana naFapari nzizi dzokuDhamasikusi, hadzisiri nani here pane mvura yose yomuIsiraeri. Kwangu kutadza here kushamba madziri ndichenurwe?” Akabva afuratira oenda zvake akashatirwa. Varanda vake vakaswedera paari vakati kwaari, “Nhai baba, dai muporofita uyu anga ati muite chimwe chinhu chikuru mungadai musina kuchiita here? Ndoda zvapo apa paangokutii shambai muchenurwe!” Ipapo akadzika akandozvinyika kanomwe muna Jorodhani sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, muviri wake ukapora ukaita sezvawaimbenge uri ukanaka sewemwana mudiki akabva achenurwa.
Verenga chikamu 2 Madzimambo 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Madzimambo 5:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo