Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 5:1-14

2 Madzimambo 5:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Naamani, mukuru wehondo yamambo weAramu, aiva munhu mukuru kwazvo pamberi patenzi wake uye aikudzwa zvikuru, nokuti kubudikidza naye, Jehovha akapa mambo weAramu kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, asi aiva namaperembudzi. Zvino mauto eAramu akabuda kundorwa akadzoka ava nomusikana weIsraeri wavakanga vatapa, uye akashandira mukadzi waNaamani. Akati kuna tenzikadzi wake, “Dai tenzi wangu aiona muprofita ari muSamaria! Aizomuporesa pamaperembudzi ake.” Naamani akaenda kuna tenzi wake akamutaurira zvaakanga audzwa nomusikana akanga abva kuIsraeri. Mambo weAramu akati, “Zvakanaka, enda hako. Ini ndichatumirawo tsamba kuna mambo weIsraeri.” Naizvozvo Naamani akaenda, akatora matarenda gumi esirivha nezviuru zvitanhatu zvamashekeri egoridhe uye nemhando gumi dzenguo. Tsamba yaakaenda nayo kuna mambo weIsraeri yaiti: “Ndatuma muranda wangu Naamani netsamba iyi kuti umurape maperembudzi ake.” Mambo weIsraeri akati achangopedza kuverenga tsamba iyi, akabvarura nguo dzake akati, “Ndini Mwari here? Ndinogona kuuraya nokuraramisa here? Sei murume uyu atuma munhu kwandiri kuti azorapwa maperembudzi ake. Onai kuti anoedza sei kutsvaka bopoto neni!” Erisha munhu waMwari, akati anzwa kuti mambo weIsraeri abvarura nguo dzake, akamutumira shoko akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Regai murume uyo auye kwandiri, uye achaziva kuti muIsraeri mune muprofita.” Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro akandomira pamukova weimba yaErisha. Erisha akatuma nhume yake kwaari achiti, “Enda unoshamba kanomwe muJorodhani, ipapo nyama yako ichadzoredzerwa pakare uye uchava wakanatswa.” Asi Naamani akabvapo atsamwa akati, “Ndanga ndichifunga kuti zvirokwazvo achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi. Ko, Abhana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzisi nani kupinda mvura yose yeIsraeri here? Handaigona kushamba madziri ndikanatswa here?” Naizvozvo akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo. Varanda vaNaamani vakaenda kwaari vakati, “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’ ” Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche.

2 Madzimambo 5:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehovha wakanga akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakanga ana maperembudzi. Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yeIsiraeri; iye wakanga achibatira mukadzi waNaamani basa. Akati kuna tenzikadzi wake, “Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria, ungadai akavaporesa maperembudzi ake.” Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, “Musikana wenyika yeIsiraeri wakataura chokuti nechokuti.” Mambo weSiria akati, “Enda, ndinoda kutuma n’gwadhi kuna mambo weIsiraeri.” Akabva akaenda namatarenda ane gumi esirivha, namashekeri ane zvuru zvitanhatu zvendarama, nenguo dzakanaka dzine gumi. Akaenda nen’gwadhi kuna mambo weIsiraeri, yakanga ichiti, “Zvino kana n’gwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.” Zvino mambo weIsiraeri wakati arava n’gwadhi iyo, akabvarura nguo dzake, akati, “Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.” Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo weIsiraeri wabvarura nguo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.” Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha. Erisha akatuma nhume kwaari, akati, “Enda, undoshamba kanomwe muna Jorodhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.” Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, “Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa maperembudzi. Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati peIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?” Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo. Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, “Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, ‘Shamba, uve wakanaka?’ ” Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.

2 Madzimambo 5:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mutungamiriri wehondo yamambo weSiria ainzi Naamani aiva munhu airemekedzwa zvikuru nachangamire vake, ari munhu wavo wapamwoyo nokuti naiyeyu uyu Tenzi akaita kuti vakurire vaSiria muhondo. Aiva murume uno, nyanzvi chaiyo yokurwa, asi akanga aine maperembudzi. VaSiria mune kumwe kupamba nehondo kwavaiita vakanga vatapa kamwe kasikana kokunyika yokwaIsiraeri kakava muranda womukadzi waNaamani. Musikana uyu akati kuna tenzi wake, “Dai kuri kuti changamire vamboonawo mumwe muporofita ari kuSamaria. Aivarapa chirwere chavo ichi chemaperembudzi.” Nokudaro Naamani akaendamo akasvitsa izvi kuna changamire wake achiti, “Izvozvo ndozvandaudzwa nomusikana akabva kunyika yokwaIsiraeri.” Mambo weSiria akabva ati, “Chitoendai zvino, ndichatumirawo mambo wokwaIsiraeri rugwaro.” Saizvozvo akaenda akatakura zviuru makumi matatu zvesirivha, nendarama zviuru zvitanhatu nehanzu gumi dzamachira, akanakisisa kwazvo. Akaenda norugwaro rwacho kuna mambo wokwaIsiraeri rwaiti: “Rugwaro urwu rwasvika kwamuri nderwokukuzivisai kuti ndatumirako gurukota rangu Naamani kuti mumurapewo maperembudzi ake.” Mambo wokwaIsiraeri paakaverenga rugwaro irworwu akabvarura hanzu dzake akati, “Ndiri Mwari here anouraya nokupawo upenyu wokuti muchinda uyu anganditumire shoko rokuti ini ndirape munhu maperembudzi ake? Maonawoka kuti uku kutsvaka kupopotedzana neni chete.” Asi pakanzwa munhu waMwari Erisha kuti mambo wokwaIsiraeri akanga abvarura hanzu dzake akatumira mambo shoko rokuti, “Madarireiko kubvarura hanzu dzenyu? Regai zvenyu auye kwandiri kuno iye zvino azoziva kuti muIsiraeri mune muporofita.” Nokudaro Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzehondo akasvikomira pamusuo pamba paErisha. Erisha akamutumira nhume kundoti, “Enda undoshamba kanomwe kuna Jorodhani muviri wako uchapora woita sezvawaimbova uchibvawo wachenurwa.” Asi Naamani akashatirwa ndokubva apomoka kuenda oti, “Chionaika, ndanga ndichiti achatoita zvokunyatsobuda panze pandiri, omira pakadarowo apo, odaidza zita Tenzi, Mwari wake achivheyesa maoko ake pamusoro penzvimbo iyoyo obva arapa maperembudzi acho! Ko, Abhana naFapari nzizi dzokuDhamasikusi, hadzisiri nani here pane mvura yose yomuIsiraeri. Kwangu kutadza here kushamba madziri ndichenurwe?” Akabva afuratira oenda zvake akashatirwa. Varanda vake vakaswedera paari vakati kwaari, “Nhai baba, dai muporofita uyu anga ati muite chimwe chinhu chikuru mungadai musina kuchiita here? Ndoda zvapo apa paangokutii shambai muchenurwe!” Ipapo akadzika akandozvinyika kanomwe muna Jorodhani sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, muviri wake ukapora ukaita sezvawaimbenge uri ukanaka sewemwana mudiki akabva achenurwa.

2 Madzimambo 5:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiʋa munhu mukuru kunatenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehova wakaŋga akundisa ʋaSiria naye; ʋuye waiʋa munhu wesimba noʋumhare, asi wakaŋga anamaperembudzi. Ɀino ʋaSiria ʋakaŋga ʋandorwa ʋakaita mapoka‐mapoka, ʋakadzoka nomusikana muɗuku waʋakaŋga ʋatapa panyika yaIsraeri; iye wakaŋga aciɓatira mukadzi waNaamani. Akati kunatenzikadzi wake: Ƌai ishe waŋgu aiʋa kumuprofita uri paSamaria, uŋgaɗai akaʋaporesa maperembudzi ake. Ɀino mumŋe akapinda, akandoʋudza ishe wake, akati: Musikana wenyika yaIsraeri wakataura cokuti necokuti. Mambo weSiria akati: Enda, ndinoɗa kutuma ŋwadi kunamambo waIsraeri. Akabva, akaenda namatarenta anegumi esirveri, namashekeri aneɀuru ɀitanhatu ɀendarama, neŋguʋo dzakanaka dzinegumi. Akaenda neŋwadi kunamambo waIsraeri, yakaŋga iciti: Ɀino kana ŋwadi iyi iciȿika kwamuri, muziʋe kuti ndatuma Naamani muranda waŋgu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake. Ɀino mambo waIsraeri wakati araʋa ŋwadi iyo, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Asi ndini Mŋari kanhi? Ndinoziʋa kuʋuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu ɀaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fuŋgai, muʋone, kuti unotȿaka kurwa neni. Ɀino Erisha munhu waMŋari, wakati acinzwa kuti mambo waIsraeri wabvarura ŋguʋo dzake, akatuma shoko kunamambo, akati: Mabvarurireiko ŋguʋo dzenyu? Ŋgaaʋuye hake ɀino kwandiri, aziʋe kuti muprofita uri’po pakati paIsraeri. Naiɀoɀo Naamani akaenda namabiza ake neŋgoro dzake, akandomira pamukoʋa weimba yaErisha. Erisha akatuma nhume kwaari, akati: Enda, undoshamba kanomŋe munaJoridani, nyama yako idzokere ɀe kwauri, uʋe wakanaka. Asi Naamani wakatsamŋa, akabva, akati: Tarirai, ndaŋga ndiciti: Ɀirokwaɀo ucaɓuɗa kwandiri, akamira, akaɗana zita raJehova Mŋari wake, nokupuruzira’po noruʋoko rwake, agoporesa maperembudzi. Ko Abana neFarpari, idzo nzizi dzeDamasko, hadzina‐kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsraeri here? Handiŋgashambi madziri, ndikaʋa wakanaka here? Naiɀoɀo akaenda, akabva atsamŋa kwaɀo. Ɀino ʋaranda ʋake ʋakasweɗera, ʋakataura naye, ʋakati: Nhai, ɓaɓa ʋeɗu, Ƌai muprofita akakurairai kuita cinhu cikuru, hamuzaiciita here? Ndoɗa ɀaakati kwamuri: Shamba, uʋe wakanaka? Ipapo akaɓuruka, akandonyura munaJoridani kanomŋe, seɀakaŋga ɀataura munhu waMŋari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomŋana muɗuku, akaʋa wakanaka.

2 Madzimambo 5:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)