Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehovha wakanga akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakanga ana maperembudzi. Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yeIsiraeri; iye wakanga achibatira mukadzi waNaamani basa. Akati kuna tenzikadzi wake, “Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria, ungadai akavaporesa maperembudzi ake.” Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, “Musikana wenyika yeIsiraeri wakataura chokuti nechokuti.” Mambo weSiria akati, “Enda, ndinoda kutuma n’gwadhi kuna mambo weIsiraeri.” Akabva akaenda namatarenda ane gumi esirivha, namashekeri ane zvuru zvitanhatu zvendarama, nenguo dzakanaka dzine gumi.
Akaenda nen’gwadhi kuna mambo weIsiraeri, yakanga ichiti, “Zvino kana n’gwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.”
Zvino mambo weIsiraeri wakati arava n’gwadhi iyo, akabvarura nguo dzake, akati, “Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.”
Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo weIsiraeri wabvarura nguo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.”
Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha. Erisha akatuma nhume kwaari, akati, “Enda, undoshamba kanomwe muna Jorodhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.”
Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, “Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa maperembudzi. Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati peIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?” Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, “Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, ‘Shamba, uve wakanaka?’ ” Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.