Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 13

13
Jehoahazi mambo wokwaIsiraeri (814—798)
1Mugore regumi nechitatu rokutonga kwaJoashi mwanakomana waAhaziya mambo wokwaJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akatangisa kutonga kwaIsiraeri kuSamaria. Akatonga kwegumi ramakore rina makore manomwe. 2Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevedzera zvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza, haana kusiyana nazvo. 3Tenzi akavirukira Isiraeri nehasha akaramba ovaisa mumaoko aHazaeri mambo weSiria nomumaoko aBhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri. 4Jehoahazi akateterera kukumbira kuna Tenzi, Tenzi akamunzwa nokuonawo kubatwa zvakaipa kwaiitwa vaIsiraeri namambo weSiria. 5Naizvozvo Tenzi akapa Isiraeri mununuri zvokuti vakapunyuka mumaoko avaSiria, vanhu vokwaIsiraeri vakagara mumisha yavo samazuva ose. 6Zvakadaro zvazvo havana kusiyana nezvitadzo zvemba yaJerobhoamu zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza, akatozvitevedzera uyewo chifananidzo chokunamata Ashera chakaramba chiri muSamaria.
7Chakanga chavepo ndechokuti Jehoahazi akanga angosara namakumi mashanu avachairi vemabhiza nengoro dzehondo gumi nezviuru gumi zvavarwi vetsoka nokuti mambo weSiria akanga avaparadza avawotesa seguruva repaburiro.
8Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoahazi nezvose zvaakaita nougamba hwake, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzemadzimambo okwaIsiraeri. 9Jehoahazi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Joashi mwanakomana wake ndiye akazotonga.
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri (798—783 K.A.A.)
10Mugore ramakumi matatu ane rechinomwe rokutonga kwaJoashi mambo wokwaJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatanga kutonga Isiraeri muSamaria. Akatonga kwamakore gumi namatanhatu. 11Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza achitozvitevedzera zvake. 12Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoashi nezvose zvaakaita nougamba hwake pakurwa naAmaziya mambo wokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. 13Jehoashi akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Jerobhoamu ndiye akazogara pachigaro chake choumambo. Joashi akavigwa muSamaria pamwechete namadzimambo okwaIsiraeri.
Rufu rwaErisha
14Erisha paakawirwa nedenda raizomutora, Joashi mambo weIsiraeri akadzikako kwaari akasvikochema paari achiti, “Baba vangu! Baba vangu kani! Ngoro dzamabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!”
15Erisha akati kwaari, “Torai uta nemiseve,” iye ndokutorawo uta nemuseve. 16Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Torai uta hwenyu mutatamure.” Akahutatamura. Erisha ndokuisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo 17akati, “Chizarurai hwindo rokumabvazuva.” Iye akarizarura. Erisha ndokuti, “Chipfurai.” Iye ndokupfuura. Erisha akabva ati, “Museve waTenzi wokununura, museve wokununura kuvaSiria! Ndinodaro nokuti mucharwisa vaSiria muAfeki kusvikira mavaparadza.”
18Erisha akati, “Torai miseve iyi.” Iye akaitora. Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Rovai pasi nayo.” Iye akarova pasi nayo katatu ndokubva arega. 19Munhu waTenzi akamushatirirwa akati, “Mungadai matoparova kashanu kana katanhatu kese. Ndopamaizokwanisa kurova Siria kusvikira maiparadza. Asi zvino muchangorova Siria katatu chete.”
20Erisha akafa zvake vakamuviga. Zvikwata zvokupamba zvevaMoabhu zvaipota zvichiuya munyika umu mumwaka wepfumvunza. 21Zvino kwakati mumwe murume achindovigwa ndokuona hecho chikwata chokupamba. Vakangokanda murume uyu muguva raErisha akaenda akaguma mapfupa aErisha akabva amuka ndokumira chaizvo namakumbo ake.
Hondo yevekwaIsiraeri neSiria
22Hazaeri mambo weSiria akabata zvakaipa vokwaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwaJehoahazi. 23Asi Tenzi akavaitira mwoyochena akavanzwira tsitsi akavacheuka pamusana pechitenderano chake chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho akarega kuvaparadza kunyange nazvino wese haana kumbovarasa paari iye.
24Pakafa Hazaeri mambo weSiria, mwanakomana wake Bhenihadhadhi ndiye akatonga panzvimbo pake. 25Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorera pakare Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta akanga atorerwa baba vake Jehoahazi muhondo. Jehoashi akamukurira rutatu akabva adzosa maguta eIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 13: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda