Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 12

12
Joashi mambo wokwaJudha (835—796 K.A.A.)
(2 Nhor 24:1–16)
1Mugore rechinomwe rokutonga kwaJehu, Jehoashi akatangawo kutonga. Akatonga ari muJerusaremu kwamakumi mana amakore. Zita raamai vake rainzi Zibhiya vokuBheerishebha. 2Jehoashi uyu akaita zvaidiwa naTenzi mazuva ose oupenyu hwake nokuti mupristi Jehoyadha ndiye aimudzidzisa. 3Zvakadaro zvazvo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vakaramba vachipira zvavo zvibayiro vachipisawo rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira idzodzo.
4Jehoashi akati kuvapristi, “Pamari yose yezvinhu zvinoera zvinofanira kuunzwa kumba yaTenzi, mari yomutero wapamunhu, mari yakatemwa pamunhu woga woga, nemari inobviswawo nomunhu sokuda kwake achiuya nayo mumba yaTenzi, 5vapristi ngavatore mumwe nomumwe kuna sahomwe wake vagadzire imba iyoyi panenge pachidikanwa kugadzira.”
6Asi gore ramakumi maviri nechitatu rokutonga kwamambo Jehoashi rakadzamara kusvika vapristi vasati vambogadzira imba yacho. 7Naizvozvo mambo Jehoashi akadaidza mupristi Jehoyadha navamwe vapristi akavati, “Muri kuregererei kugadzira imba yaTenzi. Saka zvino, zvokutora mari kunanasahomwe venyu chizviregai, muendese mari iyoyo kubasa rayo rokugadzira imba iyoyo.” 8Vapristi vakabvuma kuti zvokutora mari kuvanhu varege, ivo varegewo kugadzira imba iyoyo.
9Mupristi Jehoyadha akazotora zibhokisi guru akaboora buri pahwidibiro yaro. Akariisa pedyo neatari kurudyi topinda mumba yaTenzi. Vapristi vaichengetedza kumusuo, vaiisa mariri mari yose yaiunzwa mumba yaTenzi. 10Vaiti vakangoona kuti muzibhokisi umu mari yawanda, munyori wokwamambo nomupristi mukuru aiuya overenga vosungira mari yacho inenge yawanikwa mumba yaTenzi mututsapo. 11Mari yainge yayerwa vaipa vashandi vaiona nezvebasa remba yaTenzi, ivavo vaitambirisa vavezi navavaki vaiita basa pamba paTenzi, 12uye vokuvaka namatombo navacheki vamatombo nokutenga mapuranga nematombo akakwakwanurwa zvokugadzirisa imba yaTenzi uye nokubhadhara basa rose zvaro rokugadzira imba iyoyo. 13Asi havana kugadzirisa midziyo kana makomichi kana zvigero kana madhishi kana mabhosvo kunyange midziyo zvayo yendarama kana yesirivha zvomuimba yaTenzi 14nokuti yakapiwa vaiti vebasa vaiishandisa pakugadzira imba yaTenzi.
15Havaimbobvunzurudza vanhu vavainge vapa mari iyoyo yokutambirisa vanhu nokuti vakanga vari vanhu vakavimbika. 16Mari yemipiro yokuripa mhosva neyemipiro yokupfupira zvitadzo hayaiuyiswa mumba yaTenzi, yaiva yavapristi.
17Panguva iyoyo Hazaeri mambo weSiria akakwira kundorwisa guta reGati akarikurira. Asi Hazaeri paakati zvino oda kuvinga Jerusaremu, 18Jehoashi mambo wokwaJudha akatora mipiro yose yakanga yaturirwa kuna Mwari yezvinhu zvakatsidzirwa kupa Mwari naJehoshafati naJehoramu naAhaziya, madzibaba ake madzimambo okwaJudha pamwechete nemipiro yake yaakanga akatsidzirawo kupa Mwari uye nendarama yose yaiva mokuchengetera upfumi hwemba yaTenzi neyemumuzinda wamambo. Akatumira zvose izvozvi kuna Hazaeri mambo weSiria. Hazaeri ndokubva asiya Jerusaremu oenda zvake.
19Inga dzimwe nyaya dzezvaJoashi nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. 20Makurukota aJoashi akamumukurira akamupandukira akamuuraya mumba iya yapachimudhuri chamavhu munzira inodzika kuSira. 21Jozakari mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeru, makurukota ake ndivo vakamuuraya akafa. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Amaziya mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 12: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda