2 Madzimambo 14
14
VII: UMAMBO HUVIRI KUSVIKIRA PAKUPARARA KWESAMARIA
Amaziya mambo wokwaJudha
(2 Nhor 24:1–16)
1Mugore rechipiri rokutonga kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo wokwaIsiraeri, Amaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. 2Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ane makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jehoadhini vokuJerusaremu. 3Iye akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi zvisingabva zvaenzana zvazvo nezvababa wake Dhavhidhi. Zvose zvaakaita akaita samaitiro aitwa nababa vake Joashi. 4Asi nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira.
5Umambo pahwakanga zvino hwava mumaoko ake chaizvo akauraya makurukota vanyakuuraya mambo, baba vake. 6Asi haana kuuraya vana vevaurayi ava sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku romutemo waMosesi panonzi naTenzi,
“Madzibaba haafanire kuurayirwa
mhosva dzavana vavo.
Vanawo havafanire kuurayirwa
mhosva dzamadzibaba avo.
Munhu anofira mhosva yake iye pachake.”
7Akauraya vaEdhomu gumi rezviuru muBani roMunyu, akavatorera guta reSera nehondo akaritumidza zita rokuti Jokitieri raririkudaidzwa nanhasi uno.
8Amaziya akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu achiti, “Uya timirisane.” 9Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akatumawo nhume kuna Amaziya mambo wokwaJudha achiti, “Rukato rwapaRebhanoni rwakatumira nhume kumuti womusidhari wapaRebhanoni rwuchiti, ‘Rega mwanasikana wako aroorwe nomwanakomana wangu ave mukadzi wake.’ Chimwe chikara chomuRebhanoni chakapfuura nepo chikakatsikirira pasi. 10Wakakurira Edhomu chaizvo ukabva waita zenze. Gutsikana nomukurumbira wako iwoyo ugare pamba nokuti unodirei kuzvidenhera nhamo inokuridibura iwe pamwechete naJudha?”
11Asi Amaziya haana kumbozviteerera. Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akakwirako, iye naAmaziya mambo wokwaJudha vakamirisana kurwa hondo kuBhetishemeshi rokwaJudha. 12VokwaJudha vakakurirwa nevokwaIsiraeri munhu wose rikava bararamhanya kutizira kumusha. 13Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akabata Amaziya mambo wokwaJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waAhaziya kuBhetishemeshi. Akaenda kuJerusaremu akapaza mbimbi yorusvingo rweJerusaremu inoita mamita mazana maviri kubvira paSuo Guru raEfuremu kusvikira pasuo guru rapaKona. 14Akapamba ndarama yose nesirivha nemidziyo yose yaiva mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo. Akatorawo nhapwa ndokubva adzokera kuSamaria.
15Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoashi dzezvaakaita nougamba hwake namarwiro aakaita naAmaziya mambo wokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. 16Jehoashi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Akavigwa muSamaria pamwechete namadzimambo okwaIsiraeri. Mwanakomana wake Jerobhoamu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Rufu rwaAmaziya mambo wokwaJudha
(2 Nhor 25:25–28)
17Amaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha akagara makore gumi namashanu shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo wokwaIsiraeri. 18Inga dzimwe nyaya dzezvaAmaziya dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzamadzimambo okwaJudha.
19Vakaita bangano rokumupandukira muJerusaremu, iye akabva atizira kuRakishi. Asi vakatuma vanhu kuRakishi vakamuurayira ikoko. 20Vakauya naye vakamutakura namabhiza akavigwa muJerusaremu pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. 21Vanhu vose vokwaJudha vakatora Azaria akanga ava namakore gumi namatanhatu vakamugadza umambo panzvimbo pababa wake Amaziya. 22Akavaka Erati akaridzosera kune vokwaJudha mushure mokunge mambo avata aendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru.
Mambo Jerobhoamu wechipiri wokwaJudha (284—743 K.A.A.)
23Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAmaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri akatangisa kutonga muSamaria. Akatonga kwamakore makumi mana negore rimwechete. 24Iyeyu akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Haana kumbosiyana nezvitadzo zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. 25Akadzosera pakare muganhu yeIsiraeri kubvira tava kuda kundopinda kuHamati kusvikira kuGungwa reArabha sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi nomuromo womuranda wake Jona, muporofita aibva kuGatiheferu mwanakomana waAmitai.
26Sezvo Tenzi akaona kuti nhamo yevokwaIsiraeri yakanga yanyanya chaizvo nokuti kwakanga kusisina kuti uyu muranda kana kuti uyu haasi muranda, wokununura Isiraeri pasisina. 27Asi Tenzi haana kumbenge ati achatsakatisa zita raIsiraeri panyika nokudaro akavanunura achishandisa Jerobhoamu mwanakomana waJoashi. 28Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu nezvose zvaakaita nougamba hwake namarwiro ake nokudzosa pakare kwaakaita Dhamasikusi neHamati maguta akanga atorwa nevokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. 29Jerobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake namadzimambo okwaIsiraeri. Mwanakomana wake Zekariya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 14: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.