Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 24:4-8

1 Samueri 24:4-8 SCLB

Vanhu vake iye Dhavhidhi vakamuti, “Zuva riya riya razosvika nhasi rakanzi naTenzi, ‘Ndichaisa muvengi wako mumaoko ako ugoita zvako zvaungade kuita naye.’ ” Dhavhidhi akaverevedza akacheka chipenga chehanzu yaSauro. Hana yaDhavhidhi yakarova nokucheka kwaakanga aita chipenga chehanzu yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.” Dhavhidhi akadzora vanhu vake namazwi iwaya akavarambidza kurwisa Sauro. Sauro akasimuka akabuda mubako muya oenda zvake. Mushure macho Dhavhidhi akabudawo mubako muya akadaidzira kuna Sauro achiti, “Nhai mambo, changamire!” Sauro paakati cheu, Dhavhidhi akabva azvityora achikotamira pasi kumuremekedza.