1 Samueri 24:4-8
1 Samueri 24:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakati, “Iri ndiro zuva rakataurwa naJehovha paakati kwamuri, ‘Ndichaisa vavengi vako mumaoko ako kuti uvaitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akakambaira chinyararire asingaonekwi akacheka kona yenguo yaSauro. Shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarohwa nehana nokuda kwokuti akanga acheka kona yenguo yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kuita chinhu chakadai kuna tenzi wangu, muzodziwa waJehovha.” Namashoko aya Dhavhidhi akatsiura vanhu vake akasavatendera kuti varwise Sauro. Zvino Sauro akabva pabako akaenda hake. Ipapo Dhavhidhi akabuda mubako akadanidzira kuna Sauro achiti, “Ishe wangu mambo!” Sauro akati acheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso chake.
1 Samueri 24:4-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, ‘Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguo yaSauro iye asingazivi. Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguo yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.” Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake. NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, “Ishe wangu, mambo!” Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.
1 Samueri 24:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vanhu vake iye Dhavhidhi vakamuti, “Zuva riya riya razosvika nhasi rakanzi naTenzi, ‘Ndichaisa muvengi wako mumaoko ako ugoita zvako zvaungade kuita naye.’ ” Dhavhidhi akaverevedza akacheka chipenga chehanzu yaSauro. Hana yaDhavhidhi yakarova nokucheka kwaakanga aita chipenga chehanzu yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.” Dhavhidhi akadzora vanhu vake namazwi iwaya akavarambidza kurwisa Sauro. Sauro akasimuka akabuda mubako muya oenda zvake. Mushure macho Dhavhidhi akabudawo mubako muya akadaidzira kuna Sauro achiti, “Nhai mambo, changamire!” Sauro paakati cheu, Dhavhidhi akabva azvityora achikotamira pasi kumuremekedza.

1 Samueri 24:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

1 Samueri 24:4-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanhu ʋaDavidi ʋakati kwaari: Iri ndiro zuʋa ramakaʋudzwa naJehova, aciti: Tarira, ndicaisa muʋeŋgi wako muruʋoko rwako, umuitire seɀaunoɗa. Ipapo Davidi akasimuka, akagura mupendero weŋguʋo yaSauro iye asiŋgaziʋi. Asi pashure hana yaDavidi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakaŋga agura ŋguʋo yaSauro. Akati kuʋanhu ʋake: Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kuitira ishe waŋgu, muzodzwa waJehova, cinhu cakaɗai, nditambanudzire ruʋoko rwaŋgu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehova. Naiɀoɀo Davidi akadziʋisa ʋanhu ʋake namashoko iwayo, akasaʋatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akaɓuɗa muɓako, akaenda hake. NaDavidi wakasimuka ʋo, akaɓuɗa muɓako, akaɗanidzira kunaSauro, akati: Ishe waŋgu, mambo! Ɀino Sauro wakati aciceuka, Davidi akakotamira pasi neciso, akafugama.