Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, ‘Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguo yaSauro iye asingazivi. Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguo yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.” Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake. NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, “Ishe wangu, mambo!” Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.
Verenga chikamu 1 Samueri 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 24:4-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo