Naizvozvowo nemi vadiki vacho ivai pasi pavakuru–vakuru. Pfekai mose kuzvidukupisa mumwe achizvininipisa kune mumwe nokuti Mwari anorwisana navanozvikudza achitsigira nenyasha vanozvininipisa. Nokudaro zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba kuti nenguva yakafanira azokupembedzai zvikuru. Turirai zvinokudyai mwoyo zvose kwaari nokuti anehanya nemi. Garai makagadzikana makarindira, mhandu yenyu Satani anobvongodza kose kose seshumba inodzvova ichitsvaka waingadye. Murwisei, makasimba muchitendero chenyu, muchiziva kuti kutambudzika kumwecheteko kunofanira kutirirwa nevehama pasi pose. Mushure mokunge mambotambudzika kwechinguva, Mwari wenyasha dzose, iye akakudaidzai kumbiri yake isingaperi muna Kristu, iye pachake achakudzorerai kuva zvamunofanira kunge muri, mudzike midzi, achikusimbisai. Iye ngaave noumambo narini narini. Ameni.
Verenga chikamu 1 Pita 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Pita 5:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo