Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 5

5
Vakuru vesangano fudzai matanga enyu zvakanaka
1Naizvozvo ndinokurudzira vakuru–vakuru pakati penyu somumwe wavakuru–vakuruwo uye somupupuri wamatambudziko aKristu uyewo somumwe waavo vachawana mugove mumbiri icharatidzwa. 2Fudzai danga raMwari rakaiswa mumaoko menyu, kwete sokunge munomanikidzwa asi nomwoyo unoda, kwete pamusana pokuda kuzvipfumisa zvinonyadzisa asi muchitozvifarira. 3Musaite zvechisimba navari pasi penyu asi mukutova muenzaniso kudanga iroro. 4Kana mufudzi mukuru wooneswa, muchawana ndaza isingabhuruvari yembiri.
5Naizvozvowo nemi vadiki vacho ivai pasi pavakuru–vakuru. Pfekai mose kuzvidukupisa mumwe achizvininipisa kune mumwe nokuti Mwari anorwisana navanozvikudza achitsigira nenyasha vanozvininipisa. 6Nokudaro zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba kuti nenguva yakafanira azokupembedzai zvikuru. 7Turirai zvinokudyai mwoyo zvose kwaari nokuti anehanya nemi. 8Garai makagadzikana makarindira, mhandu yenyu Satani anobvongodza kose kose seshumba inodzvova ichitsvaka waingadye. 9Murwisei, makasimba muchitendero chenyu, muchiziva kuti kutambudzika kumwecheteko kunofanira kutirirwa nevehama pasi pose. 10Mushure mokunge mambotambudzika kwechinguva, Mwari wenyasha dzose, iye akakudaidzai kumbiri yake isingaperi muna Kristu, iye pachake achakudzorerai kuva zvamunofanira kunge muri, mudzike midzi, achikusimbisai. 11Iye ngaave noumambo narini narini. Ameni.
Mashoko okupedzisa
12Ndakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirivhanusi, hama yakatendeka sokuona kwangu, ndichikukuridzirai ndichitaura pachena kuti idzi inyasha dzaMwari chaidzo; rambai makasimba madziri. 13Sangano revekuBhabhironi rakasarudzwawo semi rinokukwazisai uyewo Mako mwana wangu anokukwazisai. 14Kwazisanai nokutsvodana kworudo rwechikristu.#5:14 Rudo rwechikristu: MuchiGiriki munoti muchitsvodana. Rugare ngaruve nemi mose muna Kristu.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Pita 5: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda