Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa. Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye anokuchengetai. Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiabhori, anofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. Zvino Mwari wenyasha dzose, iye akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, achakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai. Ngaave nesimba nokusingaperiperi. Ameni.
Verenga chikamu 1 Petirosi 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Petirosi 5:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo