Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 1:6-13

1 Pita 1:6-13 SCLB

Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu. Vaporofita vakaporofita nezvenyasha dzaizova dzenyu, vakatsvagisisa vakafeya–feya nezvoruponeso irworwu. Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishandiri asi vaishandira imi muzvinhu zvamakataurirwa navaiparidza kwamuri Shoko Rakanaka nokuna Mweya Mutsvene akatumwa kubva kudenga. Vatumwa vaitosuwira kuona zvinhu izvozvo. Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu.

Verenga chikamu 1 Pita 1