Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 1

1
Kwaziso
1Ndini Pita mupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi vatorwa#1:1 Vatorwa: Pano apa zvinogona kureva vateveri vaJesu asi vari verudzi rwechiJudha vari munyika dziri kudomwa pano kana kuti vateveri vaKristu vasiri vaJudha vari munyika dzavakaberekerwa asi vatorwa panyika pano nokuti musha wavo chaiwo uri kudenga. venguva yoKutekeshera kunyika dzePondusi neGaratia neKapaudhosia neAsia nokuBhetinia 2imi makasarudzwa mukanzi naMwari Baba mururamiswe naMweya kuitira kuti muteerere Jesu Kristu uye kuti musaswe neropa rake. Dai mangowaniswa chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere.
Chitarisiro chezvirokwazvo
3Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. 4Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, 5imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera.
6Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. 7Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. 8Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. 9Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu.
10Vaporofita vakaporofita nezvenyasha dzaizova dzenyu, vakatsvagisisa vakafeya–feya nezvoruponeso irworwu. 11Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera. 12Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishandiri asi vaishandira imi muzvinhu zvamakataurirwa navaiparidza kwamuri Shoko Rakanaka nokuna Mweya Mutsvene akatumwa kubva kudenga. Vatumwa vaitosuwira kuona zvinhu izvozvo.
Ururami hwatinofanira kuva naho savakristu
13Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu. 14Savana vanoteerera musatevedzere mapangiro enyu amaiva nawo pamakanga musina ruzivo. 15Pamusana pokuti anokudaidzai mutsvene, imiwo ivaiwo vatsvene muzviito zvenyu zvose. 16Sezvazvakanyorwa zvichinzi,
“Ivai vatsvene
nokuti ini ndiri mutsvene.”
17Mukamudana saBaba, iye anotonga munhu wose pasina rusaruro maererano nezviito zvake, ivai nokumuremekedza kukuru pakugara kwenyu panguva yenyu youtorwa. 18Imi munoziva kuti makadzikinurwa kunzira dzisina maturo dzamakawana kumadzibaba enyu, kwete nezvinhu zvinoparara sesirivha kana ndarama 19asi neropa rinokosha raKristu serehwayana isina chinoshoreka kana kavara. 20Akasarudzwa pasi pasati pavapo, akazoratidzwa pokupedzisira kwenguva kuri kuitira imi. 21Nokuna iye, munechivimbo muna Mwari akamumutsa kuvafi akamupa mbiri kuti chitendero chenyu nechitarisiro zvive muna Mwari.
Vanhu vakazvarwa patsva neShoko raMwari
22Zvino zvamakachenesa mweya yenyu nokuteerera kwenyu chokwadi kuti muve norudo rwechokwadi kune vehama; idanai zvechokwadi nemwoyo wose. 23Makazvarwa patsva kwete nembeu dzinofa asi dzisingafi nokuShoko benyu raMwari risingafi rinogara nokusingaperi 24nokuti,
“Vanhu vose uswa
mbiri yavo yakaita samaruva omusango
uswa hunouna,”
ruva rinodonha
25asi Shoko raTenzi rinogara nokusingaperi.
Shoko iroro ndiro Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwamuri.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Pita 1: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda