Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petirosi 1:6-13

1 Petirosi 1:6-13 SNA2002

Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji; kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya, muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemweya yenyu. Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita zvenyasha dzamaizoitirwa imi, vachinzvera kuti nguva ndeipi, kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo. Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai Vhangeri noMweya Mutsvene akatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvichirekedza. Saka zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu