Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 21:27-29

1 Madzimambo 21:27-29 SCLB

Pakanzwa Ahabhu mazwi aya, akabvarura hanzu dzake akapfeka pamuviri masaga ndokutsanya orara zvino akapfeka masaga ongomhemhaira kufamba akati una una kuzvirereka. Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, “Waonawo here kuzvirereka kwandava kuitirwa naAhabhu? Pamusana pokuzvirereka uku kwaaita kwandiri, nhamo iya handichaiunza pamazuva oupenyu hwake, asi ndichaunza nhamo yacho mumba make pamazuva emwanakomana wake.”