1 Madzimambo 21:27-29
1 Madzimambo 21:27-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba. Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti, “Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.”
1 Madzimambo 21:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Pakanzwa Ahabhu mazwi aya, akabvarura hanzu dzake akapfeka pamuviri masaga ndokutsanya orara zvino akapfeka masaga ongomhemhaira kufamba akati una una kuzvirereka. Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, “Waonawo here kuzvirereka kwandava kuitirwa naAhabhu? Pamusana pokuzvirereka uku kwaaita kwandiri, nhamo iya handichaiunza pamazuva oupenyu hwake, asi ndichaunza nhamo yacho mumba make pamazuva emwanakomana wake.”
1 Madzimambo 21:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ahabhu paakanzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akatsanya. Akapfeka masaga akafamba achizvininipisa. Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Eria muTishibhi richiti, “Waona here kuti Ahabhu azvininipisa sei pamberi pangu? Nokuti azvininipisa, handichauyisa dambudziko guru iri mumazuva ake, asi ndichariuyisa paimba yake mumazuva omwanakomana wake.”
1 Madzimambo 21:27-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba. Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti, “Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.”
1 Madzimambo 21:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakanzwa Ahabhu mazwi aya, akabvarura hanzu dzake akapfeka pamuviri masaga ndokutsanya orara zvino akapfeka masaga ongomhemhaira kufamba akati una una kuzvirereka. Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, “Waonawo here kuzvirereka kwandava kuitirwa naAhabhu? Pamusana pokuzvirereka uku kwaaita kwandiri, nhamo iya handichaiunza pamazuva oupenyu hwake, asi ndichaunza nhamo yacho mumba make pamazuva emwanakomana wake.”
1 Madzimambo 21:27-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Ahabi wakati acinzwa mashoko iwayo, akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu pamuʋiri wake, akaɀinyima ɀokudya, akaʋata pasi namagumbu, akanatso‐famba. Ɀino shoko reJehova rikaȿika kunaEria muTishbi, riciti: Unoʋona here kuti Ahabi unoɀininipisa pamberi paŋgu? Ɀaanoɀininipisa pamberi paŋgu, handiŋgaʋuyisi ɀakaipa iɀo pamazuʋa ake; asi pamazuʋa omŋanakomana wake ndicaʋuyisa ɀakaipa iɀo pamsoro peimba yake.