I Madzimambo 21
21
Ahabi unotora munda waNaboti nesimba.
1Ɀino shure kwaiɀoɀo Naboti muJezreeri wakaŋga anomunda wemizambiriŋga, waiʋa paJezreeri, pedyo neimba yoʋushe yaAhabi mambo weSamaria. 2Ɀino Ahabi akataura naNaboti, akati: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuite munda wemiriʋo, nokuti uri pedyo neimba yaŋgu; ini ndigokupa mumŋe munda wemizambiriŋga unokunda uyu; ɀimŋe, kana uciɗa, ndiŋgakupa mari yakariŋgana muteŋgo wawo. 3Ipapo Naboti akati kunaAhabi: Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kukupai nhaka yamadziɓaɓa aŋgu. 4Ipapo Ahabi akapinda mumba make, aʋora mŋoyo, aneshuŋgu, nokuɗa kweshoko raakaŋga aʋudzwa naNaboti muJezreeri; nokuti iye wakaŋga ati: Handiŋgakupiyi nhaka yamadziɓaɓa aŋgu. Akaʋata panhoʋo yake, akatendeʋudza ciso cake, akaramba kudya. 5Ɀino Izeberi mukadzi wake akaenda kwaari, akati: Mŋoyo wenyu uneshuŋgu neiko, ɀamusiŋgaɗi kudya? 6Iye akati kwaari: Nokuti ndakataura naNaboti muJezreeri, ndikati kwaari: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuteŋge nemari; asi kana uciɗa hako, ndicakupa mumŋe munda wemizambiriŋga panɀimbo yawo, iye akapindura, akati: Handiŋgakupiyi munda waŋgu wemizambiriŋga. 7Ɀino Izeberi mukadzi wake akati kwaari: Ko hamuzi’mi munoɓata ʋushe pakati paIsraeri here? Mukai, mudye, mŋoyo wenyu ufare, nokuti ini ndicakupai munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri. 8Naiɀoɀo akanyora ŋwadi nezita raAhabi, akadzisimbisa necisimbiso cake, akatuma ŋwadi idzo kuʋakuru, nokumacinda, ʋaiʋa muguta rake, ʋakaŋga ʋagere naNaboti. 9Akanyora paŋwadi idzo, aciti: Tarai musi wokuɀinyima ɀokudya nawo, mukudze Naboti pakati paʋanhu. 10Mugoraira ʋanhu ʋaʋiri ʋakaiȿo‐ipa ʋamire pamberi pake, ʋamupupurire, ʋaciti: Iwe wakatuka Mŋari namambo. Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabge, afe. 11Ipapo ʋarume ʋeguta rake, iʋo ʋakuru namacinda, ʋakaŋga ʋagere muguta rake, ʋakaita seɀaʋakarairwa naIzeberi, seɀakanyorwa paŋwadi dzaʋakaŋga ʋatumirwa naye. 12Ʋakatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya, ʋakakudza Naboti pakati paʋanhu. 13Ɀino ʋarume ʋaʋiri ʋakaiȿo‐ipa ʋakapinda, ʋakandogara pamberi pake; ʋarume aʋa ʋakaiȿo‐ipa ʋakamupupurira, iye Naboti, pamberi paʋanhu, ʋakati: Naboti wakatuka Mŋari namambo. Ɀino ʋakaɓuɗa naye paguta, ʋakamutaka namabge, akafa. 14Ipapo ʋakatuma shoko kunaIzeberi, ʋakati: Naboti watakwa namabge, wafa. 15Ɀino Izeberi wakati acinzwa kuti Naboti watakwa namabge, wafa, Izeberi akati kunaAhabi: Simukai, mundoɀitorera munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri, uyo waakaɗeya kuramba kukupai, ŋguʋa yamakaɗa kumupa mari, nokuti Naboti haaciri mupenyu, asi wafa. 16Ɀino Ahabi wakati acinzwa kuti Naboti wafa, Ahabi akasimuka, akaɓuruka kumunda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri, kundoɀitorera iwo.
17Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaEria muTishbi, riciti: 18Simuka, ɓuruka undosoŋgana naAhabi mambo waIsraeri, unogara Samaria; ucamuwana ari mumunda wemizambiriŋga waNaboti, kwaaɓurukira kundoɀitorera iwo. 19Umuʋudze, uti: Ɀanzi naJehova: Waʋuraya, ɀino watora ʋo here? Ɀino umuʋudze ʋo, uti: Ɀanzi naJehova: Apo pakananɀa imbga ropa raNaboti, ndipo padzicananɀa ropa rako ʋo. 20Ahabi akati kunaEria: Wandiwana, iwe muʋeŋgi waŋgu, here? Akapindura, akati: Ndakuwana; nokuti waɀiteŋgesa kuti uite ɀakaipa pamberi paJehova. 21Tarira, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro pako, ndicakutȿaira cose, ubve, ndicaparadza ʋanakomana ʋose ʋaAhabi, ʋaɗuku naʋakuru kuʋaIsraeri. 22Imba yako ndicaiita seimba yaJeroboami mŋanakomana waNebati, neimba yaBaasha mŋanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamŋisa iwe, ukatadzisa Israeri. 23Ʋuye Jehova akataura pamsoro paIzeberi, akati: Imbga dzicadya Izeberi paruȿiŋgo rweJezreeri. 24Aninani waAhabi, unofira muguta, ucadyiwa nembga, aninani, unofira kusaŋgo, ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga. 25(Asi hakunomunhu wakafanana naAhabi, wakaɀiteŋgesa kuti aite ɀakaipa pamberi paJehova, acikurudzirwa naIzeberi mukadzi wake. 26Akaita ɀakanyaŋgadza kwaɀo, nokuti wakateʋera ɀifananidzo netsika dzose dzaʋaAmori, iʋo ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri). 27Ɀino Ahabi wakati acinzwa mashoko iwayo, akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu pamuʋiri wake, akaɀinyima ɀokudya, akaʋata pasi namagumbu, akanatso‐famba. 28Ɀino shoko reJehova rikaȿika kunaEria muTishbi, riciti: 29Unoʋona here kuti Ahabi unoɀininipisa pamberi paŋgu? Ɀaanoɀininipisa pamberi paŋgu, handiŋgaʋuyisi ɀakaipa iɀo pamazuʋa ake; asi pamazuʋa omŋanakomana wake ndicaʋuyisa ɀakaipa iɀo pamsoro peimba yake.
Zvasarudzwa nguva ino
I Madzimambo 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018