1 Madzimambo 21
21
D: NABHOTI NEMUNDA WAKE WEMAGIREPISI
Nabhoti akafira munda wake wemagirepisi
1Mushure maizvozvi chakazoitikawo ndechokuti, mumwe murume womuJezirieri ainzi Nabhoti aiva nomunda wemagirepisi muJezirieri imomo wakanga wakaganhurana nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. 2Ahabhu akazoti kuna Nabhoti uyu, “Munda wako zvauri pedyo nomuzinda wangu, dai wandipa munda iwoyo ndachiuita munda wangu womuriwo ndigokupa mumwe munda wemagirepisi wakapinda iwoyu kunaka, kana wada ndokupa iri mari yokuutenga.”
3Asi Nabhoti ndokuti kuna Ahabhu, “Tenzi ngaandibatsire. Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” 4Ahabhu akapinda mumuzinda make atsamwa ashatirwa pamusana pemhinduro yaakapiwa naNabhoti wokuJezirieri nokuti akanga ati, “Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Ndokubva andoti pamubhedha wake bhi-i kurara akatarisa rutivi ndokuramwa zvokudya. 5Asi mukadzi wake Jezebhero akaenda paari akamuti, “Ko kutsamwa kudai zvaita sei? Kubva matoramwa chokudya!”
6Ahabhu akamupindura achiti, “Ndataura ini naNabhoti uyu womuJezirieri muno. Ndokumuti nditengesere munda wako nemari. Kana kuti ndokupa mumwe munda wemagirepisi kana uchida. Nabhoti anditi, ‘Handikupei munda wangu.’ ”
7Mudzimai wake Jezebhero akamuti “Muchiri kutonga Isiraeri iyemi? Timukirei zvedu apa mudye zvokudya, mwoyo wenyu usununguke. Ndichakupai ini munda wemagirepisi iwoyo waNabhoti womuJezirieri muno.”
Jezebheru anonyora tsamba yokuti Nabhoti auraiwe
8Ipapo mukadzi uyu akanyora tsamba muzita raAhabhu ndokudzidhindha nechidhindho chake iye Ahabhu. Akatumira tsamba idzodzo kuvakuru vakuru nokune vokumba huru vakanga vagere kumwechete naNabhoti muguta rokwako. 9Mutsamba idzodzi akanyora kuti, “Itii vanhu vatsanye muti Nabhoti agare mberi kwevanhu, 10mugarisewo mamwewo madzenga maviri pakadarowo apo akatarisana naye amupomere mhosva achiti, ‘Nabhoti akashora Mwari akashorawo mambo. Munozobuda naye kunze momutema namabwe afe.’ ”
11Varume vomuguta rokwake navakuru vakuru nevokumba huru vaigara muguta rokwake iri vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJezebhero. Saizvozvowo sokunyorwa kwazvakanga zvakaita mutsamba dzavakatumirwa nomukadzi uyu, 12vakati vanhu vatsanye vakagarisa Nabhoti mberi kwevanhu. 13Madzenga maviri aya akapinda akagara akatarisana naye. Madzenga aya akapomera Nabhoti mhosva vanhu vachinzwa achiti, “Nabhoti akashonha Mwari, akashora mambo.” Ndokubva vamuburitsa kunze kweguta vakamutema namabwe akafa. 14Vakavatumira shoko kuna Jezebhero rokuti, “Nabhoti atemwa namatombo afa.”
15Jezebhero akati achinzwa kuti Nabhoti akatemwa namabwe akafa, Jezebhero akati kuna Ahabhu, “Chisimukai zvenyu mundotora munda wemagirepisi waNabhoti womuJezirieri muno waakaramba kukupai kukutengeserai nemari.” 16Ahabhu paakangonzwa kuti Nabhoti afa, akasimuka ndokudzika kumunda uya waNabhoti womuJezirieri imomo kundoukambira.
Mwari anoti Ahabhu wakauraya Nabhoti
17Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, 18“Simuka udzike undosangana naAhabhu mambo wokwaIsiraeri ari kuSamaria. Kutaura kuno ari mumunda waNabhoti waaenda kundokambira. 19Unofanira kumuudza kuti zvanzi naTenzi, ‘Waurayaka munhu iwe ukakambira munda wake?’ Umutaurire kuti zvanzi naTenzi, ‘Panzvimbo iyoyo pananzwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzwawo ropa rako.’ ”
20Ahabhu akati kuna Eriya, “Heya muvengi wangu wandiwana panoka iwe!” Iye akapindura achiti, “Heeka ndakuwanikidzai, matozvitengesaka izvozvi nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. 21Chinzwa, ndava kutoita kuti iwe uwirwe nenhamo ndikutsakatise ndipedze muIsiraeri nokuuraya munhurume wose womumba mako iwe Ahabhu, muranda kana asiri muranda. 22Imba yako ndichaiita hwemba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye hwemba yaBhaasha mwanakomana waAhiya pamusana pokundivirutsa nehasha kwawakaita uyewo nokuparisa kwawakaita Isiraeri chitadzo.” 23Tenzi akataurawo nezvaJezebhero achiti, “Imbwa dzichadya Jezebhero munharaunda yomuJezirieri muno. 24Munhu ari wose zvake wokwaAhabhu anofira muguta, achadyiwa nembwa; nouyowo anofira musango, achadyiwa neshiri dzedenga.”
25Hakuna mumwe munhu akambozvitengesa nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi saAhabhu achirunzirwa nomukadzi wake Jezebhero. 26Akaita zvinosemesa kwazvo zvokuteveredza zvifananidzo zvokunamata sezvaimboitwa nevaAmori vaya vanyakudzingirwa vaIsiraeri naTenzi.
27Pakanzwa Ahabhu mazwi aya, akabvarura hanzu dzake akapfeka pamuviri masaga ndokutsanya orara zvino akapfeka masaga ongomhemhaira kufamba akati una una kuzvirereka.
28Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, 29“Waonawo here kuzvirereka kwandava kuitirwa naAhabhu? Pamusana pokuzvirereka uku kwaaita kwandiri, nhamo iya handichaiunza pamazuva oupenyu hwake, asi ndichaunza nhamo yacho mumba make pamazuva emwanakomana wake.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Madzimambo 21: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.