1 Madzimambo 20
20
C: HONDO DZAVAARAMU
Hondo yeSiria neIsiraeri
1Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose akanga ana madzimambo makumi matatu namaviri aine mabhiza nengoro dzehondo. Akakwira kundokomba achirwisa Samaria. 2Akatumira nhume muguta kuna Ahabhu mambo wokwaIsiraeri achimuti, “Zvanzi naBhenihadhadhi, 3‘Sirivha yako nendarama yako ndezvangu. Vakadzi vako vakanakisisa ivavo pamwechete navana ndevangu.’ ”
4Mambo wokwaIsiraeri akapindurawo achiti, “Hongu sokutaura kwamaita mambo changamire wangu, ini ndiri wenyu nazvose zvandinazvo ndezvenyu.”
5Nhumwa dzakauyazve dzava kuti, “Zvanzi naBherihadhadhi, ‘Ndakakutumira nhume dzokuti undipe sirivha yako nendarama yako navakadzi vako navana vako.’ 6Kunyange zvakadaro mangwana panguva yakare ino iyi ndichatumira machinda angu achazotsvaga mumuzinda mako nomudzimba dzamakurukota ako vachikutorera zvinhu zvako zvepamwoyo.”
7Mambo wokwaIsiraeri akadaidza vakuru vakuru vose venyika iyoyi akati, “Zvino cherechedzaiwo apa muone, muromo ndowaari kutsvaga munhu uyu nokuti akatumira nhume dzokuzonditorera vakadzi vangu navana vangu nesirivha yangu nendarama yangu, ini handina kuramba nazvo.”
8Vakuru vakuru vose navanhu vose vakamuti, “Regai kuzviteerera kana kuzvibvuma.”
9Ipapo Ahabhu akati kunhume dzaBhenihadhadhi, “Mondotaurira mambo changamire wangu kuti zvose zviya zvamataura pakutanga ndichazviita. Asi izviwo izvi handizviiti.” Nhumwa idzi dzakabvapo ndokumuigira mhinduro yacho. 10Bhenihadhadhi akatumirazve nhume kwaari dzichiti, “Chokwadi chaizvo vamwari ngavandione kana ndikasiya muSamaria muchine ivhu rokuti mumwe nomumwe wavanhu vanonditevera awane chanza chizere chevhu.”
11Mambo wokwaIsiraeri akapindurawo achiti “Mumuudze kuti, ‘Munhu anenge achipfeka hanzu yokuhondo yokuzvidzivirira nayo, ngaarege kuzvitutumadza somunhu abvako ava kutoikatanura.’ ”
12Bhenihadhadhi paakanzwa mhinduro iyi achingunonwira-nwira zvake namadzishe mudumba, akati kuvarwi vake, “Mirai pamunofanira kuva.” Ivowo ndokundomira pavaifanira kuva kuti vachirwisa guta iri.
13Mumwe muporofita akabva asvikawo kuna Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Uri kuona here mhomho yavanhu iyi?’ Chinzwa, ndichavaisa mumaoko ako nhasi uno kuti uzvizive kuti ndini Tenzi.” 14Ahabhu akabva ati “Ndiani achatakudzwa basa iroro?” Iye akati, “Zvanzi naTenzi, ngariitwe nevechidiki vezvikwata zvavatongi vamatunhu.” Iyewo ndokuti, “Ndiani wacho achatanga kurwisa?” Iye akati, “Ndimi imimi.”
15Ahabhu akaunganidza vechidiki vezvikwata zvavatongi vamatunhu, vaiva mazana maviri avanhu ane vanhu makumi matatu navaviri. Mushure maivava akaunganidza vanhu vose veIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu.
16Vakaendako masikati zuva richirova nhongonya. Izvozvo Bhenihadhadhi achinwa zvake doro kutoraradza ari kumatendhe, iye namadzimambo aye makuni matatu ana vaviri aimubatsira. 17Vechidiki vezvikwata zvinotungamirirwa namasadunhu ndivo vakatanga kubuda. Bhenihadhadhi akatuma vanhu vakamutaurira kuti kuna vanhu vari kuuya uku vachibva kuSamaria. 18Iye akati, “Kana vachinge vavinga zvorugare uyai navo vari vapenyu, kunyange vari vavinga zvehondo uyai navo vari vapenyu.”
19Saka vechidiki ivava vezvikwata zvinotungamirirwa namasadunhu vakabuda muguta vachiteverwa navarwi vehondo. 20Mumwe nomumwe akauraya wake. VaSiria ndokuti ware kutiza vaIsiraeriwo ndokudzingirirana navo. Asi Bhenihadhadhi akati kata pabhiza ndokupunyuka navamwewo vatasvi vamabhiza. 21Mambo wokwaIsiraeri akavabudira akaparadza mabhiza nengoro dzehondo akakatakazha kuuraya vaSiria.
22Muporofita uya akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Chisungai dzisimbe munyatsoona zvimwe zvamungaite nokuti muchirimo, panguva yepfumvudza, mambo wokuSiria uyu achakudzokerai.”
Kurwisa kwakaita Siria Isiraeri rwechipiri
23Makurukota amambo wokuSiria akakurukurira mambo wavo vachiti, “Vamwari wavo ndavamwari vomumakomo ndokusaka vakaita simba kupinda isu. Asi dai kuri kuti tarwisana navo mubani, hatimborega kuvakurira. 24Chomoita ndechichi dai mukabvisa mambo oga oga pakutungamirira. Panzvimbo pavo muise vatungamiriri vehondo, 25mounganidzawo hondo yakangoita seyamakarasikirwa nayo, muchitsivanisa bhiza nebhiza, ngorowo nengoro tondorwisana navo mubani. Pakadaro hatimborega kuvakurira.” Akabvumirana nezvavakataura akaita saizvozvo. 26Kuzoti chava chirimo, panguva yepfumvudza, Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria akakwira kuApeki kundorwisa vokwaIsiraeri. 27Vanhu vokwaIsiraeri vakaunganidzwawo vakapiwa mbuva vakaenda kundovarwisa. VokwaIsiraeri vakadzika matendhe avo pakatarisa navo vachinge tumatanga tuviri twembudzi. Asi vaSiria vakazara nyika yose.
28Munhu waMwari akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, pamusana pokuti vaSiria vakati, ‘Tenzi ndimwari womumakomo haasiri mwari womumapani, saka naizvozvo ndichaisa gurumwandira irori mumaoko ako kuti uzvizive kuti ndini Tenzi.’ ”
29Vakapedza mazuva manomwe vari kumatendhe avo vakangotarisana. Pazuva rechinomwe racho vakabva vatanga kurwa. VokwaIsiraeri vakauraya zana rezviuru zvavarwi vetsoka vechiSiria pazuva rimwechete. 30Vamwe vose vakatizira muguta reAfeki, rusvingo rukawira makumi maviri ezviuru zvavarume zvina varume zviuru zvinomwe vokusara vaya.
Bhenihadhadhi akatiza akandopinda mune imwe imba yomukati muguta umu. 31Makurukota ake akati kwaari, “Zvamunoonaka takanzwa zvichinzi madzimambo okwaIsiraeri madzimambo ane tsitsi. Ngatipfekei mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro tondozviturira kuna mambo wokwaIsiraeri angangodaro akakuregai muri vapenyu.”
32Saizvozvo vakapfeka mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro vakaenda kuna mambo wokwaIsiraeri vakati, “Muranda wenyu Bhenihadhadhi ati, ‘Ingondiregaiwo zvenyu ndiri mupenyu.’ ” Iye ndokuti, “Achiri mupenyu here? Ihama yangu uye.”
33Izvozvo varume ava vakanga vachicherechedza chiratidzo vakachiwana mukutaura kwake vakabva vakurumidza kuchishandisa vakati, “E-e Bhenihadhadhi ihama yenyu?” Iye ndokuti, “Endai muuye naye.” Akamuti akwire mungoro yehondo. 34Bhenihadhadhi akatiwo kwaari, “Maguta akatorerwa baba venyu nababa vangu ndichaadzosera kwamuri, muite zvenyu zvitoro muDhamasikusi sezvakaita baba vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nezvatarongerana pano izvi, ndinokuregera zvako uende.” Naizvozvo akaita chibvumirano naye akabva amurega oenda zvake.
Muporofita akatsiura mambo Ahabhu matongero ake
35Mumwe weboka ravaporofita, atumwa naTenzi, akati kune mumwe wake, “Ndirove.” Asi munhu iyeyo akaramba. 36Iye ndokubva amuti, “Chinzwa, pamusana pokuti waramba kuteerera zvarehwa naTenzi paunongobva chete pandiri pano uchaurayiwa neshumba.” Paakangobva paiva nomunhu uya shumba yakasangana naye ikamuuraya.
37Muporofita uya akasanganazve nomumwe munhu akati, “Ndapota ndirovewo.” Murume uyu akamurova akamukuvadza. 38Muporofita uyu akabva ipapo akandomirira mambo panzira akazvivanziridza kuita sokunge mumwewo munhu ane bhandhiji rakasungwa pamusoro pemaziso. 39Pakanga pava kupfuura mambo akadaidzira kuna mambo achiti, “Ini muranda wenyu ndakapinda mukati mayo hondo ichirwiwa, ndiye onei murwi wehondo auya kwandiri nomunhu akanditi, ‘Chengeta munhu uyu, akangoshayikwa chete upenyu hwake hunotoripwa norufu rwako kana kuti unoripa zviuru zvitatu zvemari yesirivha.’
40“Pandakanga ndati batikanei nebasa munhu uye ndopaakandiverera.”
Mambo wokwaIsiraeri ndokumuti, “Kutongwa kwako kuchava ndikoko, sokutaura kwawaita.”
41Akabva akurumidza kubvisa bhandhiji riye pamusoro pamaziso ake pakarepo mambo wokwaIsiraeri akabva amuziva kuti mumwe wavaporofita. 42Akabva ati kuna mambo, “Zvanzi naTenzi, ‘Pamusana pokuti wakatorega zvako iwe munhu wandakanga ndatemera kuparadzwa akatoenda zvake, naizvozvo kuva mupenyu kwake kuchatoripwa norufu rwako vanhuwo vake vachiripwa noupenyu hwavanhu vako.’ ”
43Mambo wokwaIsiraeri akaenda kumuzinda kwake atsamwa ashatirwa akasvika kuSamaria.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Madzimambo 20: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.