Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba. Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti, “Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.”
Verenga chikamu 1 Madzimambo 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 21:27-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo