Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 3:5-11

1 Vakorinde 3:5-11 SCLB

Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo. Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza asi Mwari ndiye akaita kuti zvikure. Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure. Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari. Imi muri munda waMwari, imba yaMwari. Nenyasha dzandakapiwa naMwari ndakavaka hwaro somuzivi chaiye wokuvaka. Mumwe ndiye ari kuvaka pasoro pahwo. Munhu wose ngaatozvingwarira kuti anovaka sei pahuri. Hakuna humwe hwaro hunogona kuvakwa nomunhu kusiya hwakavakwa ihwohwo. Hwaro hwacho ndiJesu Kristu.