Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 3:5-11

1 VaKorinde 3:5-11 SNA2002

Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe. Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa. Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa. Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera; mumwe anovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro padzo. Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.