Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 3

3
Varanda vaMwari
1Kana iniwo, hama dzangu, handina kukwanisa kutaura kwamuri savanhu vana Mweya asi savanhu venyama uye savacheche muna Kristu. 2Ndakakurerai nomukaka kwete nesadza nokuti makanga musati mokwanisana naro. Nyangwe nazvino wose hamusati mokwanisana naro. 3Chikonzero ndechokuti muchiri vanhu venyama, nokuti kana pachine shanje nokukakavadzana pakati penyu, hamusi vanhu venyama here muchizvibata savanhuwo zvavo? 4Ko kana munhu achiti ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi hamusati muchingova vanhu chete here?
Muparidzi weShoko Rakanaka
5Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo. 6Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza asi Mwari ndiye akaita kuti zvikure. 7Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure. 8Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari. 9Imi muri munda waMwari, imba yaMwari.
10Nenyasha dzandakapiwa naMwari ndakavaka hwaro somuzivi chaiye wokuvaka. Mumwe ndiye ari kuvaka pasoro pahwo. Munhu wose ngaatozvingwarira kuti anovaka sei pahuri. 11Hakuna humwe hwaro hunogona kuvakwa nomunhu kusiya hwakavakwa ihwohwo. Hwaro hwacho ndiJesu Kristu. 12Zvino mumwe anogona kuvaka hwaro ihwohwo nendarama, mumwe nesirivha mumwe namatombo anokosha mumwewo namapango mumwe nouswa mumwe namashanga. 13Basa romumwe nomumwe richaratidzwa pachena zvariri nokuti Zuva iroro richazviburitsa pachena nokuti basa romunhu richaoneswa zvariri nomoto. Moto ndiwo uchaedza basa romunhu nomunhu kuti akariita sei.
14Kana basa rokuvaka rakaitwa nomunhu pahwaro huya rikagona kuramba riripo, munhu iyeyo achawana mubayiro. 15Asi basa romunhu rikatsva, acharasikirwa. Iye pachake achaponeswa zvake asi somunhu akapunyuka nomumoto.
16Handiti munoziva kuti muri Temberi yaMwari here uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri? 17Nezvo ani naani anoparadza Temberi yaMwari, Mwari achamuparadza nokuti Temberi yaMwari inoera. Temberi yacho ndimi.
18Munhu ngaarege zvake kuzvinyengedza. Kana pano mumwe pakati penyu anozviti ndakachenjera panyika pano ngaatozviita sebenzi zvake kuti ave mungwaru. 19Ndinodaro nokuti, ungwaru hwapasi pano, kuna mwari hupenzi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,
“Anokachikira wakangwara
muhumenemene hwavo ihwohwo.
20Napamwezve panoti
Tenzi anoziva kuti
pfungwa dzavangwaru hadzina maturo
21Saizvozvo munhu ngaarege kuzvirumbidza nomunhu
nokuti zvinhu zvose ndezvenyu.
22Angave Pauro kana Aporosi kana Kefasi;
ingave nyika kana upenyu kana rufu,
ingave nguva ino, kana yamangwana,
zvose ndezvenyu;
23Imiwo muri vanhu vaKristu
Kristu ndewaMwari.”

Zvasarudzwa nguva ino

1 Vakorinde 3: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda