Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 20:16-30

Tsumo 20:16-30 SCLBD

Munhu anomirira chikwereti chomunhu waasingazivi ngaatorerwe hanzu yake ive chitsidzo chokumiririra kwake chikwereti chomunhu waasingazivi. Chingwa chokuba chinonaka asi mushure chinopinduka kuita somunhu ane jecha mukanwa. Mazano marairanwa, kurwa hondo hunge matombogara pasi maronga. Munhu asingagare pasi namakuhwa anoburitsa zvakavandika saka usashamwaridzane nazimwaya anorotomoka kutaura. Munhu anorengerera baba naamai rushambwa mwenje wake uchadzima muzarima. Nhaka yaunowana chimbichimbi haina chikomborero pakupedzisira. Usati ndinoda kudzorera chakaipa vimba naTenzi achakubatsira. Ujarijari nezvikero hunosemesa kuna Tenzi zvokueresa zvokubiridzira nazvo hazvina kunaka. Tenzi ndiye anotungamirira munhu pakufamba kwake ko munhu angazive sei kuchaenda upenyu hwake. Zvine njodzi kumunhu kukurumidza kupira chinhu kunaMwari mushure ndopowozofunga kuti zvino ndaitei. Mambo akangwara anopepeta vakaipa agovapura nemhuro. Mweya womunhu ndiwo mwenje waTenzi unovheneka mukati momuviri wake. Mwoyochena, nokutendeseka ndizvo zvinochengetedza mambo. Chigaro chake chinochengetedzwa nemwoyochena. Mbiri yamajaya iri musimba ravanaro kuremekedzwa kwavakwegura kuri mukuchena musoro. Maronda okurikitwa anosuka uipi shamhu dzinosuka mukatikati momunhu.

Verenga chikamu Tsumo 20