Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 5

5
Mwari anoti vanhu ngavatendeuke
1Teererai munzwe
shoko rakanangana nemi
randava kutaura ndichiungudza,
kwamuri imi vemba yaIsiraeri rokuti,
2“Isiraeri, waparara,
zvokumukazve hapasisina,
wava mhandara yarambwa,
uri munyika mako imomo
usisina kana newokukusumudzawo.”
3Ndinodaro nokuti
zvanzi naTENZI Mwari,
“Guta rakabuda chiuru chavarwi,
richasara rava nezana revarwi,
uye rakabudawo zana revarwi
richasara rava navarwi gumi
vokumba kwaIsiraeri.”
4Nokuti TENZI ari kutaurira
vemba yaIsiraeri kuti,
“Nditsvakei mugorarama,
5asi regai kutsvaka kunamata zvokuBhetieri,
kana kupinda zvenyu muGirigari
kunyange kuyambukira kuBheerishevha
pamusana pokuti
Girigari ichatoenda chete muutapwa
uyewo Bhetieri zvichaiperera.”
6Tsvagai TENZI, murarame,
angadaro akaviruka somoto
mumba yokwaJosefi,
akaitsakatisa
pasina kana anoidzimura
achireverera Bhetieri.
7Hokoyoi imi munosandura ruenzaniso
muchiruita gavakava chairo kuvava
muchikanda pasi ururami.
8Iye akasika
nyenyedzi dzechinyamutanhatu
nedzegwara ravatonga;
iye anosandura rima rakati kwirindindi
kuti rive mangwanani zvavo
achiita kuti masikati ave usiku,
iye anodaidza mvura yegungwa
achiidira pasi panyika,
zita rake iyeyo, ndiYahweh,
9anoita kuti kuparadza
vane simba, kurove semheni
zvokuti umharadzi hunobva hwawira
nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.
10Vanhu vanovenga munhu
anovatsiura padare,
vachizvonda anotaura chokwadi.
11Naizvozvo, pamusana pokuti
imi munotsokodzera pasi murombo
muchimumanikidza
kuti atokupai chete koroni,
dzimba dzamakavaka dzamabwe akavezwa, hamudzigari
mukasimaka imi munda yakanakisa yamagirepisi,
asi hamusi kuzonwa waini yaiwo.
12Ndinodaro nokuti ndinoziva ini
kuwanda kwezvamakakanganisa
nokukura kwakaita zvitadzo zvenyu,
iyemi munoonesa ndondo vakarurama,
munogamuchira pfumbamuromo padare
muchiti kumunhu ane
nhuna dzaanadzo
tibvire pano.
13Naizvozvo munhu akangwara
anonyarara zvake
panguva dzakaita saidzodzi idzi,
nokuti inguva dzakaipa.
14Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa
kuitira kuti murarame,
nezvo TENZI,
Mwari wehondo nehondo,
achava nemi,
sokureva kwenyu.
15Vengai zvakaipa
mude zvakanaka
musimbise zvoruenzaniso padare.
Zvimwe TENZI,
Mwari wehondo nehondo,
angaitire nyasha
chitsama chakasara chevokwaJosefi.
16Naizvozvo zvanzi naTENZI,
Mwari wehondo nehondo
iye TENZI,
“Munhandare dzose zvadzo
muchange muchihwihwidzwa kuchema,
mumigwagwa yomuguta yose zvayo
vachati, ‘Yowe maiwe-e!’
Vachadaidza varimi kundochema
vachadaidzawo vebasa rokuhwihwidza kuzoungudza,
17nomuminda yose yamagirepisi
muchava nokuhwihwidza kuchema
nokuti ndichapfuura nomukati menyu,”
ndizvo zviri kutaura TENZI.
18Zvichakuwanai imi munoti
dai zuva raTENZI rachingosvika.
Chamunodira chaizvo kuti
zuva raTENZI risvike, chii?
Izuva rerima kwete rechiedza
19rakaita somunhu anoti,
uku ari kutiza shumba
obva anowira mukanwa mebere;
kana kuti somunhu anoti
pindei mumba
ozendama zvake noruoko kumadziro
nyoka yobva yamuruma.
20Ko handiti zuva raTENZI,
izuva rerima here, kwete rechiedza,
zuva rakati kwirindindi kusviba,
risina kana nekanopenya mariri.
21“Ndinovenga, uye
ndinozvidza mazuva enyu makuru,
handisi kumbofarira zvangu
misangano yenyu yezvokunamata.
22Kunyange zvenyu mukapira kwandiri
mipiro yenyu yokupisa
nemipiro yenyu yembesanwa
handisi kuzoigamuchira.
Kanawo mipiro yokuwadzana
yezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa,
handisi kuzoitarisa.
23Ndinyararirei
mheremhere yenziyo dzenyu,
mumhanzi wamadimbwa enyu
handisi kana kuzombouteerera.
24Asi ruenzaniso ngarudirane kuyerera semvura
uye kururama kuitewo
sorukova runogarosaruka ruchingoyerera.
25“Ko makambouya here kwandiri nezvibayiro kana nemipiro kwamakumi mana amakore amakanga muri murenje, nhaimi vemba yaIsiraeri? 26Imi muchatakura zvifananidzo zvenyu zvokunamata zvamakazvigadzirira zvinoti Sakuti, mambo wenyu naKaiwani, mwari wenyu wenyenyedzi. 27Naizvozvo ndichakutorai ndichikuendesai muutapwa mberi kupfuura guta reDhamasikusi.” Ndizvo zviri kutaura TENZI anonziwo Mwari wehondo nehondo.

Zvasarudzwa nguva ino

Amosi 5: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda