Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 1

1
MAZWI OKUSUMA
Jesu ndiye Izwi rakava munhu
1Iye uya aivapo kubvira pakutanga,
uya watakanzwa tikatoonawo namaziso edu,
iyeyo watakatarisa, tikamubatawo namaoko edu,
ndiyeyo anonzi Izwi, muridzi woupenyu.
2Upenyu ihwohwo hwakaratidzwa pachena
tikahuona uye tinohupupurira
tichiparidzawo kwamuri.
Upenyu ihwohwo husingaperi hwaiva naBaba
hwakaratidzwa kwatiri.
3Watakaona tikanzwa uya,
ndiyeyo watiri kukuparidzai
kuti imi muve
noukama hwakanaka nesu.
Ukama hwatinahwo isu hukama
naBaba naMwanakomana wake, Jesu Kristu.
4Tiri kunyora izvi kuti
rufaro rwedu rwuzare.#1:4 Rwedu: Kana kuti rwenyu.
I: ZVINOFANIRA KUITWA NOMUNHU KUTI AFAMBE MUCHIEDZA CHAMWARI
Mwari chiedza
5Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari
ratinokuparidzaiwo rokuti, Mwari chiedza
uye kuti maari hamuna kana rima zvaro.
6Kana tikati tino ukama hwakanaka naye
isu tichifamba murima
tinoreva nhema uye tisingatevedzi chokwadi.#1:6 Tisingatevedzi chokwadi: MuchiGiriki munoti tisingafambi pachokwadi.
7Asi tikafamba muchiedza
saiye ari muchiedza,
tine ukama hwakanaka pakati pedu
uye ropa raJesu Mwanakomana wake
rinotisuka kuzvitadzo zvose.
I Unofanira kusiyana nechitadzo
8Kana tikati hatisi vatadzi
tinozvinyengedza uye chokwadi hachisi matiri.
9Tikareurura zvitadzo zvedu
iye anotendeka uye akarurama,
anotiregerera zvitadzo zvedu
achitichenesa kuunyangadzi hwose.
10Kana tikati hatitadziri Mwari
tinomuita munyepi
uye izwi rake harisi matiri.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Johani 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda