1 Johani Zviri mutamba yokutanga yaJohani
Zviri mutamba yokutanga yaJohani
Tsamba yokutanga yaJohani ine chinangwa chokukurudzira vanhu kugara upenyu hokunge takabatana naMwari muchiedza nokuchengeta mitemo yaMwari nokubvuma mhosva dzedu pana Mwari (1:5—2:27). Izvi zvakasiyana nokufamba murima, kana kutadzira Mwari, nokushamwaridzana nenyika kana kutevera vadzidzisi venhema. Tsamba iyi inotaurawo nezvokugara savana vaMwari (2:28—4:6). Izvi zvinoreva kuvavarira kufanana naMwari nokuchengeta kwatinoita mitemo yaMwari zvikuru worudo nokuti Mwari rudo. Izvi tinozvikwanisa chete kana tiine rudo nechitendero (4:7—5:12) chokutenda kana kuti kudavira kuti Jesu Mwanakomana waMwari akava munhu anogona kutiwanisa upenyu husingaperi.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga yaJohani
Mazwi okusuma: Jesu ndiye Izwi akava munhu (1:1–4)
I: Zvinofanira kuitwa nomunhu kuti afambe muchiedza chaMwari (1:5—2:29)
II: Zvinofanira kuitwa nomunhu kuti agare somwana waMwari (3:1—4:6)
III: Matsime maviri: rudo nechitendero (4:7—5:13)
IV: Mamwe mashoko akapamhidzirwa (5:14–21)
Zvasarudzwa nguva ino
1 Johani Zviri mutamba yokutanga yaJohani: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.