1
1 Johani 1:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Tikareurura zvitadzo zvedu iye anotendeka uye akarurama, anotiregerera zvitadzo zvedu achitichenesa kuunyangadzi hwose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Johani 1:7
Asi tikafamba muchiedza saiye ari muchiedza, tine ukama hwakanaka pakati pedu uye ropa raJesu Mwanakomana wake rinotisuka kuzvitadzo zvose.
3
1 Johani 1:8
Kana tikati hatisi vatadzi tinozvinyengedza uye chokwadi hachisi matiri.
4
1 Johani 1:5-6
Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari ratinokuparidzaiwo rokuti, Mwari chiedza uye kuti maari hamuna kana rima zvaro. Kana tikati tino ukama hwakanaka naye isu tichifamba murima tinoreva nhema uye tisingatevedzi chokwadi.
5
1 Johani 1:10
Kana tikati hatitadziri Mwari tinomuita munyepi uye izwi rake harisi matiri.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo