1
1 Johani 2:15-16
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Johani 2:17
Nyika iri kupfuura pamwechete nehavi dzayo asi uyo anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.
3
1 Johani 2:6
Munhu anoti ndinogara ndakabatana naye, anofanira kutevedzawo nzira yaakafamba nayo.
4
1 Johani 2:1
Vanangu ndiri kukunyorerai izvi kuti murege kupara chitadzo. Asi mumwe wenyu akaita chitadzo tino murevereri pana Baba, iye Jesu mururami.
5
1 Johani 2:4
Munhu anoti ndinomuziva iye asingachengeti mitemo yake, munyepi uye chokwadi hachisi maari.
6
1 Johani 2:3
Chinoratidza kuti tinomuziva, kuchengeta mitemo yake.
7
1 Johani 2:9
Munhu anoti ndiri muchiedza asi iye achivenga hama yake, achiri murima.
8
1 Johani 2:22
Ndiani munyepi? Kusiya uyo anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Iyeyo ndiyo mhandu yaKristu nokuti anoramba Baba naMwanakomana.
9
1 Johani 2:23
Wose anoramba Mwanakomana, Baba haanavowo. Wosewo anobvuma Mwanakomana, Baba anavowo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo