Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 1:21-32

Varoma 1:21-32 SNA2002

nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa. Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi; vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu anofa, neshiri, nemhuka dzina makumbo mana, nezvinokambaira. Saka Mwari, mukuchiva kwemwoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo. Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira zvisikwa kupfura Musiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. Saka Mwari akavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurasika kwavo. Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarasika, kuti vaite zvisakafanira; vakazadzwa nokusarurama kwose; nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve, navacheri, navanovenga Mwari, navanodada navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingateereri vabereki, namapenzi, navanoputsa sungano, navasina rudo kwarwo, vasina ngoni. Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.

Verenga chikamu Varoma 1