Varoma 1
1
Kwaziso
1Pauro, muranda waKristu Jesu, akadanwa kuti ave mupostori, akatsaurirwa Vhangeri yaMwari, 2yaakapira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene, 3zvoMwanakomana wake, akabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama, 4akaratidzwa nesimba paMweya woutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu, 5watakagamuchira naye nyasha nohupostori, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuteerera kwokutenda nokuda kwezita rake; 6nemiwo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu; 7kuna vose vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene, Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.
Rudo rwaPauro kuvaRoma
8Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose. 9Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muVhangeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai, 10ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndiuye kwamuri nokuda kwaMwari.
11Nokuti ndinoda zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe. 12Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwechete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.
13Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuriwo, sapakati pavamwe vahedheni. 14Ndine ngava kuvaGiriki nokuvatorwa, kuvakachenjera navasina kuchenjera. 15Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidziraiwo Vhangeri, imi muri paRoma. 16Nokuti handinyari pamusoro peVhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe anotenda, kutanga muJudha, uye muGirikiwo. 17Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Akarurama achararama nokutenda.”
Kurasika kwavahedheni
18Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa chokwadi nokusarurama; 19nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinoonekwa mukati mavo, nokuti Mwari akazviratidza izvo kwavari.
20Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nohuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo; 21nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa. 22Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi; 23vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu anofa, neshiri, nemhuka dzina makumbo mana, nezvinokambaira.
24Saka Mwari, mukuchiva kwemwoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo. 25Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira zvisikwa kupfura Musiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
26Saka Mwari akavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; 27saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurasika kwavo.
28Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarasika, kuti vaite zvisakafanira; 29vakazadzwa nokusarurama kwose; nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve, 30navacheri, navanovenga Mwari, navanodada navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingateereri vabereki, 31namapenzi, navanoputsa sungano, navasina rudo kwarwo, vasina ngoni. 32Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002