Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 1:21-32

VaRoma 1:21-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa. Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira. Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo. Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa. Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo. Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira. Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo; havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 1

VaRoma 1:21-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa. Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi; vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu anofa, neshiri, nemhuka dzina makumbo mana, nezvinokambaira. Saka Mwari, mukuchiva kwemwoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo. Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira zvisikwa kupfura Musiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. Saka Mwari akavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurasika kwavo. Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarasika, kuti vaite zvisakafanira; vakazadzwa nokusarurama kwose; nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve, navacheri, navanovenga Mwari, navanodada navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingateereri vabereki, namapenzi, navanoputsa sungano, navasina rudo kwarwo, vasina ngoni. Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 1

VaRoma 1:21-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa. Vaizviti vakachenjera asi vakava mapenzi. Mbiri yaMwari asingafi vakaitsinhanisa nezvifananidzo zvakaita savanhu zvavo vanofa kana seshiri kana somhuka kana sezvinozvova napasi. Naizvozvo Mwari akavarega kuti vaite madiro avo nehavi dzavo dzounzenza zvichivasvitsa mukuitirana zvinonyadzisa nemiviri yavo. Nokuti vakatsinhanisa chokwadi chaMwari nenhema. Vakanamata vakashandira chisikwa panokunamata nokushandira musiki anofanira kurumbidzwa nokusingaperi Ameni. Nokuda kwaizvozvi Mwari akavarega kuti vaite madiro avo votungamirirwa nehavi dzavo dzinonyadzisa. Vakadzi vavo vakasandura maitiro anofambirana nomusikirwo wavakaitwa savanhukadzi voita zvisingafambirani nomusikirwo wavo. Ndozvimwechetezvo navarumewo vakarega kutevedza zviri mumasikirwo avo okuti vatorane nomunhukadzi votsva nehavi yokuchivana pachavo, munhurume achiita zvinonyadzisa nomumwe munhurume vachibva vogamuchira mubayiro unokodzera wokukanganisa kwavo ikoko. Saizvozvo nokuti havana kuona chiri chinhu chinokodzera kuti vazive Mwari; Mwari akavaregawo vachiva nepfungwa yakaora nokusazvibata. Vakazara nouipi hose hunoti umambara ruchiva noutsinye. Vazere nokusafarira zvakanaka zvavamwe noumhondi nounyengedzi, nouipi hwakakomba nokurevana namakuhwa, nokuva vanhu vanovenga Mwari navanozvikudza navanozvirova dundundu navanozvitutumadza navane rubatabata, navasingateereri vabereki namapenzi avanhu, vanhu vasina chitendero, vasina mwoyo uye vasingakatari. Kunyange zvazvo vachiziva chirevo chaMwari chinoti vanoita zvakadaro vanofanira kufa, havangoita izvozvo chete asi kuti vanotobvumirana navanoita izvozvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 1

VaRoma 1:21-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

nokuti ʋaiziʋa Mŋari, asi haʋana‐kumukudza saMŋari, kana kumuʋoŋga; asi ʋakafuŋga ɀisinamaturo, nemŋoyo yaʋo isineziʋo, ikaȿiɓiswa. Ʋaciti, takacenjera, ʋakaʋa mapenzi; ʋakashandura kubginya kwaMŋari usiŋgafi, ʋakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo manna, neɀinokambaira. Saka Mŋari, mukuciʋa kwemŋoyo yaʋo, akaʋaisa kutȿina, kuti ʋanyadzise miʋiri yaʋo pakati paʋo. Aʋo ʋakatsinhanha ɀokwaɗi yaMŋari nenhema, ʋakanamata nokushumira cisikwa kupfura Musiki, iye unokudzwa nokusiŋgaperi. Ameni. Saka Mŋari wakaʋaisa pakuciʋa kunonyadzisa; nokuti ʋanhukadzi ʋaʋo ʋakashandura ɓasa raʋakasikirwa, riʋe ɓasa raʋasina‐kusikirwa; saiɀoɀo ʋanhurume ʋo ʋakasiya ɓasa rakasikirwa munhukadzi, ʋakakundwa nokuciʋa pakati paʋo, ʋanhurume ʋaciita ɀinonyadza naʋanhurume, ʋakapiwa mukati maʋo muɓairo wakafanira wokurashika kwaʋo. Seɀaʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kugara ʋaciziʋa Mŋari, Mŋari akaʋaisa kumuraŋgariro wakarashika, kuti ʋaite ɀisakafanira; ʋakazadzwa nokusarurama kwose, nokuipa, noruciʋa, nokuʋeŋga; ʋakazara negoɗo, nokuʋuraya, norukaʋe, nokunyeŋgera, necinya; ʋanhu ʋanoita zeʋe‐zeʋe, naʋaceri, naʋanoʋeŋga Mŋari, naʋanoɗaɗa, naʋanoɀikudza, naʋanoɀirumbidza, naʋaʋambi ʋeɀakaipa, naʋasiŋgatereri ʋaɓereki, namapenzi, naʋanoputsa suŋgano, naʋasinoruɗo kwarwo, ʋasineŋgoni. Aʋo, kunyaŋge ʋaciziʋa haʋo cireʋo caMŋari, kuti ʋanoita ɀakaɗai ʋakafanirwa norufu, haʋaiti iɀo ɓedzi, asi ʋanotenderana naʋanoɀiita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 1

VaRoma 1:21-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)