Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 1:16-22

Varoma 1:16-22 SNA2002

Nokuti handinyari pamusoro peVhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe anotenda, kutanga muJudha, uye muGirikiwo. Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Akarurama achararama nokutenda.” Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa chokwadi nokusarurama; nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinoonekwa mukati mavo, nokuti Mwari akazviratidza izvo kwavari. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nohuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo; nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa. Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi

Verenga chikamu Varoma 1