Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 1:16-22

Varoma 1:16-22 SCLB

Ndinodaro nokuti handinyari neShoko Rakanaka nokuti iro isimba raMwari rokuponesa munhu wose ane chitendero zvichitangisira kuvaJudha kozouya vaGiriki nokuti mariri, kururama kwaMwari kunoratidzwa pachena nechitendero chinobvira pokutanga kusvikira pokupedzisira sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Munhu anoruramiswa nechitendero achararama.” Hasha dzaMwari dzinoratidzwa pachena dzichibva kudenga dzakanangana nokusanamata Mwari kose nouipi hwavanhu vanombunyikidza chokwadi vachishandisa zvakaipa zvavo, nokuti zvinogona kuzivikanwa nezvaMwari zviri pachena kwavari nokuti Mwari, akaratidza zvinhu izvozvo kwavari. Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva. Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa. Vaizviti vakachenjera asi vakava mapenzi.

Verenga chikamu Varoma 1