Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 1:1-15

Varoma 1:1-15 SNA2002

Pauro, muranda waKristu Jesu, akadanwa kuti ave mupostori, akatsaurirwa Vhangeri yaMwari, yaakapira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene, zvoMwanakomana wake, akabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama, akaratidzwa nesimba paMweya woutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu, watakagamuchira naye nyasha nohupostori, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuteerera kwokutenda nokuda kwezita rake; nemiwo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu; kuna vose vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene, Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose. Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muVhangeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai, ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndiuye kwamuri nokuda kwaMwari. Nokuti ndinoda zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe. Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwechete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu. Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuriwo, sapakati pavamwe vahedheni. Ndine ngava kuvaGiriki nokuvatorwa, kuvakachenjera navasina kuchenjera. Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidziraiwo Vhangeri, imi muri paRoma.

Verenga chikamu Varoma 1