Ndini Pauro muranda waJesu Kristu ndakadaidzwa kuti ndive mupositori akatsaurirwa kuparidza Shoko Rakanaka raMwari. Shoko Rakanaka iroro akanga atorivimbisa kare nokuvaporofita vake muMagwaro Matsvene. Rinotaura nezvoMwanakomana wake wechizvarwa chaDhavhidhi panyama. Pane zvokuera kwemweya wake, iye Jesu Kristu Tenzi wedu, akanzi Mwanakomana waMwari pasimba pamusana pokumuka kwaakaita kuvafi. Nokwaari ndakagamuchira nyasha dzebasa rokutumwa somupositori kuti ndiunze vanhu vamarudzi ose mukuteerera kwechitendero muzita rake pamwechete nemi makadaidzwa kuti muve vanhu vaJesu Kristu. Ndinokukwazisai imi mose vadikanwi vaMwari vari muguta reRoma, vakadaidzwa kuti vave varurami. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare. Pokutanga ndinotenda Mwari wangu nokuna Jesu Kristu. Ndinoitira izvi imi mose pamusana pokuti chitendero chenyu chiri kutaurwa pasi pose. Ndinodaro nokuti Mwari iye wandinoshandira nomwoyo wangu wose nokuparidza kwandinoita Shoko Rakanaka roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ini ndinoramba ndichingokudomai muminamato yangu ndichikumbira kuti, zvimwe nokuda kwaMwari, pamwe iye zvino ndipo pandingakwanise kuuya kwamuri. Ndinodisisa kwazvo kukuonai kuti ndikupei chipo chezvomweya kuti chikusimbisei ndichiitira kuti tisimbaradzane nechitendero chomumwe nomumwe wedu, chenyu nechangu. Hama dzangu ndingade kuti, munyatsoziva kuti kazhinji ndichida kuti ndiuye kwamuri, asi kusvika pari zvino, ndakatadziswa kuti ndiwane chandingakohwe pakati penyu uye napakati pavamwe vose vechirudzi. Ndine zvandinosungirwa kuitira vose vechiGiriki navasiri vaGiriki nokunavakangwara nokuna vasina kungwara. Saizvozvo ndinodisa kukuparidzaiwo Shoko Rakanaka imi muri muguta reRoma.
Verenga chikamu Varoma 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 1:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo