Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake.
Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo. Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.”
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi. Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu.
“Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navaurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, mugove wavo uri mudziva rinopfuta nomoto nesuriferi; ndirwo rufu rwechipiri.”
Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vane ndiro nomwe dzizere namadambudziko manomwe okupedzisira, akasvika, akataura neni, achiti, “Uya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta dzvene, Jerusaremu, richiburuka kudenga, richibva kuna Mwari, rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinowonekera sekirisitaro; rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rina masuo ane gumi namaviri; navatumwa vane gumi navaviri pamasuo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi ane gumi namaviri avana vaIsiraeri.
Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu; kumusoro masuo matatu, zasi masuo matatu; nokumavirira masuo matatu; rusvingo rweguta rwakanga rune nheyo dzine gumi nembiri; napamusoro padzo mazita avapostori vane gumi navaviri veGwayana.