Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 21:1-14

Zvakazarurwa 21:1-14 BDSC

Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu. Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari. Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro. Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri. Kumabvazuva kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumavirira. Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.