Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 17:5-18

Zvakazarurwa 17:5-18 SNA2002

Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: “BHABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.” Ipapo ndakaona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Washamiswa neiko? Ndichakuudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi. Chikara chawaona, chaivapo, hachichipo; choda kukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku youpenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachiona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo. “Ndipo panokufunga kune njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi. Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe aripo, mumwe agere kusvika; kana achisvika, anofanira kugara chinguva chiduku. Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, anondoparadzwa. “Nyanga dzine gumi dzawaona, ndiwo madzimambo ane gumi, achigere kupiwa ushe, asi vachapiwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguva imwe. “Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo noushe hwavo. Ava vacharwa neGwayana, Gwayana richavakunda; nokuti iro ndiIshe wamadzishe, namambo wamamdzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa, vatsvene, vakatendeka.” Zvino akati kwandiri, “Mvura yawaona, inogarwa nemhombwe, ndivo vanhu, navazhinji, namarudzi, nendimi. Nyanga dzinegumi dzawaona, nechikara, ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto. Nokuti Mwari akaisa mumwoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara ushe hwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika. “Mukadzi wawaona ndiro guta guru, rinobata ushe hwamadzimambo enyika.”