Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 17:5-18

Zvakaratidzwa 17:5-18 SCLB

Pahuma pake pakanga pakanyorwa zita rakavandika rokuti, “BHABHIRONI GUTA GURU, ZIMAI REPFAMBI uye ZIMAI REZVISINGADIWI NAMWARI PASI POSE.” Uye ndakaona mukadzi uya akararadza neropa ravatsvene uye neropa rezvapupu zvakafira Jesu. Pandakamuona ndakashamiswa kwazvo. Asi mutumwa akati kwandiri, “Ko uri kushamiswa nei? Rega ndikutaurire zvakavandika zvomukadzi uyu uye nezvechikara chine misoro minomwe nenyanga gumi chinomutakura. Chikara chawakaona chaivapo iye zvino hachisisipo chichabuda mugomba risina parinoperera chichindoparadzwa. Vanhu, panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku roupenyu pasi pasati pavapo, vachashamiswa vachiona chikara chiya, kuti chaimbovapo zvino hachichisipo asi chichavapozve. Izvi zvinoda munhu anofunga anoungwaru. Misoro minomwe zvikomo zvinomwe zvakagarwa nomukadzi; uyewo kune madzimambo manomwe. Vashanu vavo vakatofa. Mumwe wavo ndiye ari kutonga mumwe haasati atouya asi kana auya achatonga kwechinguvana. Chikara chiya chakanga chiripo asi chisisipo ndiye mambo wechisere. Asi ari pamwechete navanomwe vaya; bva achaparadzwa. “Nyanga gumi dzawaona, madzimambo gumi vasati vagadzwa umambo asi vachapiwa simba roumambo kweawa imwechete pamwechete nechikara chiya. Vane mweya wechirwirangwe uye vakapa simba ravo noukuru hwavo kuchikara. Vacharwisa Hwayana asi Hwayana ichavakurira nokuti ndiTenzi wavanatenzi naMambo wamadzimambo. Uye vaainavo vanhu vakadanwa vakasarudzwa uye vakatendeka.” Mutumwa akanditi, “Mvura yawaona panga pagere chifeve chiya, vanhu nemhomho yavanhu namarudzi nendimi. Nyanga gumi dzawaona, idzo nechikara zvichavenga chifeve chiya. Zvichachitorera zvose zvachinazvo zvichichisiya chisina kupfeka chinhu. Zvichadya nyama yacho zvichachipisa nomoto nokuti Mwari akaisa mumwoyo yavo pfungwa yokuti vaite zvaanoda nomwoyo mumwechete nokupa umambo hwavo kuchikara nokuombera vachiteerera chikara kusvikira mashoko aMwari azadzikiswa. Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga madzimambo apasi pano.”