Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 73:1-28

Mapisarema 73:1-28 SNA2002

Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane mwoyo yakachena. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka. Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa. Nokuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba. Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu. Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguo. Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamwoyo zvinofashamira; Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza. Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi. Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere. Zvino vanoti, “Mwari angaziva seiko? Wokumusorosoro angava nokuziva here?” Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera pfuma yavo vachingogara vasingatamburi. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva; Nokuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose. Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu. Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo; Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo. Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe. Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa. Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka. Nokuti mwoyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu. Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu. Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; Makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya. Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu. Nyama yangu nomwoyo wangu zvinopera; Asi Mwari ndiye dombo romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi. Nokuti tarirai, vari kure nemi vachapera; Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo. Kana ndirini, kuswedera pedyo naye ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.