Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 73:1-28

Nziyo 73:1-28 SCLB

Chokwadi Mwari wakanaka akarurama kuna vakachena mumwoyo. Asi ini ndakapotsa ndapingirishwa, makumbo angu akanga avakutoda kutsvedza. Nokuti ndaive neshanje navanozvitutumadza pandakaona kubudirira kwavakaipa. Nokuti havana chinovarwadza, miviri yavo yakasimba kuti gwindiri. Havana nhamo dzina vamwe, havatambudziki sezvinoita vamwe vanhu. Nokudaro kuzvitutumadza ndicho chishongo chavo chomumutsipa. Kuita zvechisimba ndiyo hanzu yavo yavanopfeka. Maziso avo akatozvimba nokukora, mwoyo yavo inotutumira noupenzi. Vanonyomba nokutaura nounyengedzi, vanotyityidzira vanhu vachizvikudza vachiti vachavatonga zvakaipa. Vanotuka denga vachidzongodza nyika nezvinobva pamuromo pavo. Nezvo vanhu vanopinduka vovarumbidza vachishaya chakaipa mavari. Vanototi Mwari angazvizive sei, iye Wokumusorosoro chaangazivewo chii. Ndizvo zvakaita vakaipa izvi, vanogara vakagarikana, upfumi vachingoita matutu matutu. Ndakachengetera pasina mwoyo wangu wakachena, chandakazvichengetera maoko angu asina chaakabata chakaipa hapana. Nokuti ndinotambudzwa zuva rose uye ndinorangwa mangwanani oga oga. Dai kuri kuti ndaiti regai nditaure zvangu ndichidai. Ndingadai ndisina kuva pachokwadi kuzvizvarwa zvavana venyu. Pandakati regai ndiedze kuzvinzwisisa izvi, chakave chinhu chakaomarara kwazvo kusvika ndaenda munzvimbo yenyu inoera, ndopandakazoziva magumo avo. Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza, munoita kuti vapinde mukuparadzwa. Vanoyerekana vaparadzwa munovatsvaira nezvinotyisa. Vanoita sechiroto munhu paunomuka. Pamunosimuka munovatora sechinhu pasina. Pandakanga ndasuruvara, ndabaiwa mwoyo, ndakanga ndazungaira ndisina chandinoziva ndakaita semhuka zvayo kwamuri. Kunyange zvakadaro zvazvo ndinoramba ndinemi nguva dzose munondibata ruoko rworudyi. Munonditungamirira namazano enyu mushure mezvo muchandigamuchira mumbiri yenyu. Ndiani wangu ari kudenga kusiya imi? Uye hapana chandinoda panyika kusiya imi. Nyama yangu nemwoyo wangu zvingakundike zvazvo asi Mwari ndiye simba rangu uye ndiye mugove wangu nokusingaperi. Nokuti vanogara kure nemi vanoparara imi munoparadza vanoita unzenza hwokusava pachokwadi nemi. Chakandinakira ini kugara padyo naMwari. Mwari ndiye wandakaita wokupotera naye kuti ndiparidze mabasa enyu ose.

Verenga chikamu Nziyo 73