Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 73

73
Bhuku 3
(Mapisarema 73—89)
Mufaro wavakaipa ndowenguva duku
Pisarema raAsafi.
1Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka,
Ivo vane mwoyo yakachena.
2Asi kana ndirini, tsoka dzangu
dzakanga dzotsauka;
Makumbo angu akanga otedzemuka.
3Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi,
Pakuona kwangu kufara kwavakaipa.
4Nokuti havatambudziki pakufa kwavo;
Asi muviri wavo une simba.
5Havana njodzi savamwe vanhu;
Havatambudzwi savamwe vanhu.
6Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana
noruketani pamitsipa yavo;
Kumanikidza kunovafukidza senguo.
7Meso avo anobuda nokukora;
Zvavanofunga pamwoyo zvinofashamira;
8Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo
zvinomanikidza vamwe;
Vanotaura vachizvikudza.
9Vakataurira kudenga nemiromo yavo,
Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.
10Saka vanhu vake vanodzokera ikoko;
Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.
11Zvino vanoti, “Mwari angaziva seiko?
Wokumusorosoro angava nokuziva here?”
12Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa;
Vanowedzera pfuma yavo vachingogara vasingatamburi.
13Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina,
Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva;
14Nokuti ndakatambudzwa zuva rose,
Ndakarangwa mangwanani ose.
15Kana ndaiti, ndichataura kudai;
Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu.
16Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise,
Asi zvakandiremera kwazvo;
17Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari,
Ndikatarira kuguma kwavo.
18Zvirokwazvo munovaisa panotedza;
Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.
19Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe!
Vanopedzwa chose nezvinotyisa.
20Sezvakarotwa, kana munhu apepuka;
Saizvozvo, Ishe, muchashora
mufananidzo wavo, kana muchimuka.
21Nokuti mwoyo wangu wakachema,
Ndakabayiwa patsvo dzangu.
22Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu;
Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.
23Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi;
Makabata ruoko rwangu rworudyi.
24Muchandiperekedza nezano renyu,
Ndokuzondigamuchira pakubwinya.
25Ndianiko kudenga, kana musimi?
Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.
26Nyama yangu nomwoyo wangu zvinopera;
Asi Mwari ndiye dombo romwoyo wangu
nomugove wangu nokusingaperi.
27Nokuti tarirai, vari kure nemi vachapera;
Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo.
28Kana ndirini, kuswedera pedyo naye ndizvo
zvinondifadza;
Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu,
Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 73: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda